MACHIKOCHORI: Nakirwa nemazondo emombe

MAZONDO emombe kudya kunovaka muviri sezvo tichiwana mapuroteni kubva kwaari uye vamwe vanoti anosimbisa musana.

Mai Ropafadzo Mazhambe vekuGokwe svondo rino vanodonongodza mamwe mabikirwo emhando yepamusoro emazondo.

Zvinodiwa:

Chikari kana poto

Chipunu

Mazondo akaparwa nekuchekwa zvakanaka

Mvura nemunyu

Mabikirwo

Tora mazondo wosuka nemvura inopisa kuti anyatsochene.

Gadza chikari kana poto pamoto, woisa mvura yakawanda.

Isa mazondo ose imomo, wokwidibira.

Rega zvikwate kwemaawa mashanu, uchipamhidzira mvura nekupindura kuti zvisatsve.

Kana nyama yave kubva pamabhonzo, inenge yaibva zvakanaka, nokudaro chiisa munyu wakafanira.

Bura uye pakura mazondo, udye nemhuri neshamwari.

Mazondo anogona kudyiwa akadaro. Anogonazve kudyiwa nemupunga kana sadza remhando yamunoda.

Ichi chikafu chinofarirwa nevanhu vemazera ose.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba yenhare inoti: +263 773 394 753.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *