Madhigirii ezou anoita: Gandawa

MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, vanoti madhigiri ose anodzidziswa kuburikidza neZimbabwe Open University anocherechedzwa nebazi ravo uye vadzidzi vanenge vapedza zvidzidzo payunivhesiti iyi vane mukana wekuwaniswa mabasa sevamwe.
Dr Gandawa vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reSenate apo vaipindua mubvunzo wemumiriri weMasvingo mudare iri, Senator Shuvai Mahofa.

Sen Mahofa vaida kuziva mamiriro ezvinhu pamusoro pemadhigiri anopihwa neZOU vachiti nyaya iyi yakambokurukurwa mudare iri asi yairamba ichidzoka zvakare.

“Ndinoda kuziva kuti vadzidzi vanenge vapedza zvidzidzo zvavo neZimbabwe Open University vari kuwaniswa mabasa here? Madhigiri avo anocherechedzwa here?” vakadaro.

Dr Gandawa vakati madhigiri ose eZOU ave kucherechedzwa uye vadzidzi vanenge vapedza zvidzidzo neyunivhesiti iyi vari kuwaniswa mabasa pasina matambudziko.

“Zvimhingamipinyi zvange zvichisanganikwa nazvo zvakagadziriswa. Nekudaro, vose vakapedza zvidzidzo vanokwanisa kuwaniswa mabasa. Pakange paita kusanzwisisana asi takazvigadzirisa.

“Ndinoda kuvimbisa vose vanopedza dzidzo yavo neZOU neavo vachazodzidza payunivhesiti iyi kuti vanocherechedzwa nekuti chikoro cheHurumende,” vakadaro.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×