Maticha matsva 942

VADZIDZI vanosvika 942 svondo rapera vakapihwa zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvavo zvehurairidzi paSeke Teacher’s College, kuChitungwiza.
Vachitaura, pachiitiko ichi, mutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi pamwe nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, avo vaiva muenzi anoremekedzwa, vakatenda vadzidzi ava vachiti kuvepo kwevadzidzisi vakafundira basa kunosimudzira dzidzo yemuZimbabwe.

“Imi vadzidzisi mapedza kosi yenyu, chizivai kuti ndimi mwongo unodikanwa pakusimudzira budiriro yenyika ino zvichienderana nezvinotarisirwa pasi pechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset. Mune basa rekushanda mukusimudzira nyika ino maererano nechirongwa cheZim-Asset,” vakadaro Dr Gandawa.

Vakaenderera mberi vachiti budiriro yeZimbabwe muchikamu chedzidzo, iyo yaona nyika ino ichienda pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica panyaya yekugona kuverenga nekunyora, inofanira kuramba ichisimudzirwa.

Vakatenda Seke Teachers College nekuramba ichishingirira kubura vadzidzisi vemhando yepamusoro. Mukuru wekoreji iyi, VaEphraim Mutubuki, vakakorokotedza vadzidzi vakawana zvitupa pazuva iri vachiti vainge vashanda nesimba kwemakore matatu. Vakavakurudzira kuramba vachishanda nesimba pamwe nekuratidza hunhu hwakanaka kwese kwavachanoshanda.

“Matova zvitubu zveruzivo uye vana venyika ino vachange vachitarisira kumora huchi hwefundo huri mamuri. Ndinoti makorokoto, dai maramba muchiratidza kuti makabva pano kuburikidza nehunhu hwenyu,” vakadaro.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×