Madhokotera 77 akadzingwa mabasa

Paidamoyo Chipunza naFarirai Machivenyika

HURUMENDE inoti iri mubishi kugadzirisa mamiriro ezvinhu muzvipatara zvinoshandiswa neveruzhinji kuti zvishande zvakanaka zvichitevera kudzingwa mabasa kwemachiremba 77 avo vairamwa basa zvisiri pamutemo.

Izvi zvakaziviswa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, nemusi weChipiri svondo rino apo vaitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare Cabinet.

“Cabinet yaziviswa negurukota rezveutano nekurerwa kwevana (Dr Obadiah Moyo) kuti kuramwa basa kwavanachiremba kwadarika mazuva 63. Izvi zvava kuita kuti vanhu vasakwanise kurapwa muzvipatara. Zviri kuwedzerwa zvakare nanamukoti vekanzuru yeHarare avo vakamira basa vachiti havana zvekushandisa zvakakwana,” vanodaro.

Cde Mutsvangwa vanoti vanachiremba vakadaidzwa kuti vazotsanangura zvikonzero zvekuramwa kwavo basa neHealth Services Board (HSB) musi wa1 Mbudzi zvinova zvakazoita kuti 77 vavo vamiswe basa.

Vanoti pari kutorwa matanho ekuti zvipatara zvitange kushanda nemazvo. Dr Moyo vanotsinhira vachiti vari kutsvaga nzira dzekuti zvipatara zvikwanise kubatsira varwere. “Tiri kutora matanho ekuti tipe rubatsiro rwemhando yepamusoro kuzvipatara. Ndizvo zvandingakwanisa kutaura panguva ino. Tinofanira kubatsira veruzhinji pakugadziriswa kwezvinhu uye pozivikanwa kuti ndevapi vanoda kushanda nevasingadi.

“Pari zvino mamiriro akaita zvinhu ndeekuti hapana vanachiremba vari kuenda kumabasa kunze kwevari kubatsira panenge pachida rubatsiro nekukasira,” vanodaro Dr Moyo.

Sachigaro weHSB, Dr Paulinus Sikosana vanotsinhira kudzingwa mabasa kwemachiremba uku.

Vanoti vanachiremba ava vakadzingwa mabasa pachitevedzwa mutemo weSection 4 weLabour (National Employment Code of Conduct), Regulations, Statutory Instrument 15 of 2006 (the Code).

“Vanachiremba 77, kubva pahuwandu hwe80, vakabatwa nemhosva yekusauya kubasa vasina kupihwa mvumo yekuzorora zviri pamutemo uye pasina zvikonzero zvine musoro zvekusauya kubasa kubva pamazuva mashanu kana kudarika,” vanodaro Dr Sikosana.

Vanoti vacharamba vachinzwa zvikonzero zvekusauya kubasa kwanachiremba izvo zviri kutarisirwa kupedziswa nemusi wa15 Mbudzi. Kuramwa basa kwemachiremba kwakanzi hakusi pamutemo nedare reLabour Court pakutanga kwemwedzi wapfuura uye vakanzi vadzokere kumabasa mukati memaawa 48 asi havana kuzvitevedza.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *