‘Munoti murume wangu ingomwa’

Milcah Nhakura
MUDZIMAI anogara kuMabvuku, muHarare, akamhan’arira vavakidzani vake kudare redzimhosva achiti vari kumushaisa rugare vachimupomera kuti anoita zvechipfambi uye kuti murume wake ingomwa.

Mulla Mukombera akaendesa vavakidzani vake avo vakangozivikanwa saBaba naMai Mbabvu kuHarare Civil Court achiti haasisina chiremerera kwaanogara nekuda kwemashoko avanotaura.

“Kubva pandakatanga kugara kuMabvuku, vavakidzani vangu ava vanondishaisa rugare. Vanofamba vachiti ndiri pfambi. Vanoti zvakare murume wangu ingomwa izvo zvinova zvava kukonzeresa kuti musha wangu uparare sezvo hama dzemurume wangu dzave kufungidzira kuti ndiri kuchengetesa murume wangu vana vasiri vake. Murume wangu akasvika pakunditi ndiende kuna baba vevana vangu zvakazosvika pakuti ndiende kumaDNA test,” anodaro.

Mukombera anoenderera mberi achiti, “Baba ava vakamboti kune murume wangu udza pfambi yako isandijairire izvo zvakaita kuti murume wangu ashamisike. Mudzimai wavo akambondirova zvekuti nanhasi nditori nemavanga.”

Baba Mbabvu anoti mashoko ari kutaurwa naMukombera ndeenhema sezvo iye nemurume wake vari ivo vanotanga mhirizhonga vachitora mukana wekuti murume wacho anoshandira kuZimbabwe Prisons and Correctional Services.

“Ivo amai ava nemurume wavo vanototi tinokuunzirai hondo kumba kwenyu. Anotora advantage yebasa remurume wake. Munhu wose wekwatinogara anotovatya nekuti vanotyisidzira vanhu nekuda kwaizvozvo,” anodaro.

Mai Mbabvu anotiwo, “Mai ava vanoda zvemakuhwa manhingi. Vanogona kumira payadhi yavo votanga kudaidzira zvinyadzi zvekuti nyangwe vana vave kutotaurawo zvinonyadza izvozvo. Vakabva kutondirova nechidhinha musi uno.”

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Mukombera gwaro rerunyararo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *