Madora ane dovi iwe!

ZVIRI MUGAPU NA MUCHANETA CHIMUKA

MADORA ane dovi kudya namambo chaiko kana usavi uhu huchinge hwabikwa zvemandorokwati uye kunopa utano hwakanaka kumuviri.Svondo rino Anesushe Mudereri wekuZhombe anotsanangudza mabikirwo emadora ane dovi.

Zvinodiwa:

Poto, pani kana chikari, mugoti, chipunu, makapu maviri emadora, hanyanisi imwe chete, matomatisi maviri, zvipunu zviviri zvedovi, munyu nemvura.

Mabikiro:

Gadza poto, pani kana chikari pamoto woisa makomichi matatu emvura.

Suka madora nemvura inopisa wodurura mupoto wokwidibira.

Rega zvimbokwata kweawa imwe chete, isa hanyanisi, matomatisi nedovi.

Chitora mugoti wokurunga kuti zvinyatsokwata zvakanaka.

Isa munyu mushoma, raidza kuti zvanyatsonzwira munyu zvakanaka here wochizobura.

Usavi uhu munogona kudya nesadza remhando yamunoda.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *