Vorwira ruzha rweredhiyo

Milcah Nhakura
HANZVADZIKOMANA yakaendesa hanzvadzisikana kudare redzimhosva mushure mekunge vanetsana pamusoro peruzha rweredhiyo.Tendai Mabuwa anogara kuKambuzuma, muHarare, akamhan’arira Josphine Mabuwa kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.

Vaviri ava vanogara vose pamba pababa vavo avo vakashaya muna2006.

Tendai anoti Josphine ane dambudziko rekuridza redhiyo zvine ruzha uye anozviitira kuti amusvotese.

“Anozviitira kuti andisvotese kuti ndibve pamba asare achipagara oga,” anodaro Tendai.

Josphine anopokana nazvo achiti anoridzira redhiyo yake nechepasi-pasi asi hanzvadzi yake ndiyo inongoda kutsvaga zvinhu zvekuti vanetsane.

“Changamire, handiridzise redhiyo yangu, asi hanzvadzi yangu inongotsvaga zvekuti tinetsane. Paakambondimhan’arira kumapurisa akafamba achiudza raini rose kuti muudze sahwira wenyu kuti ari kudiwa kumapurisa. Izvi zvinoratidza kuti anozviitira kuti tinetsane.

“Akatombotsiurwa nemamwe madzikoma edu achinzi usandishungurudze nekuti ndinorwara.

“Ndine dambudziko rechirwere chegomarara rechibereko saka izvi zvinondirwadzawo.

‘‘Zvakafanana nemusi wa31 Zvita, ndaifara kuti gore rapera ndichiridza rumbo rwaR. Kelly rwunonzi ‘Storm is over’ uye ipapo ndaitofarirawo kupinda mugoredzva nechirwere changu ichi,” anodaro Josphine.

Mutongi Noah Gwatidzo akarasa chikumbiro chaTendai achiti haana kupa umbowo huzere mudare.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *