Madzibaba Ishmael odya refovhoro kwemakore 20

Yeukai Karengezeka

MUKURU wechechi yechipositori Madzibaba Ishmael Chokurongerwa (55) akapihwa mutongo wekugara mujeri kwemakore makumi maviri nedare redzimhosva nemusi weChipiri svondo rino nekuda kwemhosva yekubata chibharo.

Zvakaonekwa nedare kuti aka kakange kasiri kekutanga Madzibaba Ishmael achipara mhosva sezvo akambotongerwa mhosva yemhirizhonga mugore ra2015.

Madzibaba Ishmael akabata chibharo ndokuitisa pamuviri mwanasikana asati abva zera uyo anove munamati wemuchechi yake.

Mutongi Mai Estere Chivasa vakapa mutongo uyu vachishora Madzibaba Ishmael nekutadza kushandisa chinzvimbo chake muchechi yake chekutungamirira vanamati izvo zvakaona achishandisa masimba ake kushungurudza vanhu vaainamata navo.

Vanoti Madzibaba Ishmael inhubu uye ane hutyinye hwakanyanya.

“Vakuru vemachechi vanotarisirwa kupa mucherechedzo wakanaka kuvateveri vechechi dzavo, izvo zvakaitwa nemusungwa uyu kutsaudzira kukuru zvinopesana nezvinotarisirwa kwaari,” vanodaro Mai Chivasa.

Vanoti mumhan’ari aitya zvikuru kuburitsa zita remuridzi wemwana waakabara uye Madzibaba Ishmael akaita kuti mwana uyu ave panjodzi yekumutapurira zvirwere zvepabonde kusanganisira HIV.

Mai Chivasa vanoti zvakakosha kuti dare ripe mutongo unoita kuti vamwe vane mifungo yakaipa kudai vatye kupara mhosva dzerudzi urwu.

“Murume uyu akakanganisa pfungwa dzevanhu vakawanda vemuchechi yake kusvika pekupedzisira, akatora vanhu vemuchechi yake kuvaita vanhu vake nezvimisikidzo dzemifungo yake,” vanodaro Mai Chivasa.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×