‘madzibaba siyanai neni’

Lizzy Mushoriwa —
PANE muporofita akamiswa mudare redzimhosva nemuvakidzani wake achipomerwa kumuitira ruzha apo anenge achinamata husiku nevamwe vake uye kumuvharira nzira yekuenda kumba kwake.

Ruth Chidza akadhonzera murume akangozivikanwa nezita rekuti Madzibaba Naison, uyo anove muvakidzani wake, kuHarare Civil Court achiti ari kumuitira ruzha izvo zviri kumushaisa rugare.

“Changamire, ndauyawo ndichikumbira kuti Madzibaba Naison vasiyane neni, ivo nevanhu vechechi yavo. Husiku vanorara vachiita ruzha vachiimba izvo zvinotitadzisa kurara uye ndine vana vanoenda kuchikoro saka ngavasaite ruzha rwavo urwu. Masowe avo ari pedyo nepamba pangu,” anodaro Chidza.

Anoenderera mberi achiti panguva yehusiku Madzibaba Naison nevamwe vake vanotenderera pamba pake vachimhanya izvo zvave kumutyisa.

“Ndava kutotya kukuvadzirwa midziyo yangu nekuti husiku vanotendera pamba pangu vachiimba uye kumhanya zvisinganzwisisike. Naizvozvo ndinoda gwaro rerunyararo nekuti vandishaisa mufaro,” anodaro Chidza.

Madzibaba Naison anoramba zvose zviri kutaurwa naChidza.

“Amai ava Changamire, hapana chakaipa chandinovaiitira, ivo ndivo vakachera gomba paMasowe pedu tikangonyarara. Vanopfuurawo nepaMasowe edu nemotokari yavo asi hapana musi watakambonetsana navo.

“Husiku tinonamata, asi torega here kuimbira Mwari wedu pamusana pekuti vanoti tinoita ruzha? Handirambe, vapei chikumbiro chavo.

‘‘Ini handidi hangu zvepamuromo navo,” anodaro Madzibaba Naison.

Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaChidza chegwaro rerunyararo achiti hapana umboo hwakazara hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naMadzibaba Naison nevamwe vemuchechi yake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×