Madzimai opunduka nekurima

MABHINDAUKO ekurima emadzimai kwaShe Gambiza kwaChiwundura, kuGweru obudirira zvikuru uye vari kuvandudza zvirimwa zvavo nekugadzira zvakasiyana izvo zviri kukwezva vatengi.

Mai Lindiwe Mhandire avo vanotungamirira mabhidhauko echikwata cheRural Women Assembly vanoti vanorima zvakadai semuriwo nematomatisi izvo zvinozovandudzwa zvichigadziriswa zvakasiyana.

“Mudzimai haafaniri kungoita munhu wekushandirwa nemurume kana kukumbira kumaraini, kunyanya kumaruwa. Madzimai tinofanira kusimuka tomira nesimba tichishandisa mawoko edu kusimudzira hupenyu hwemhuri dzedu. Mabhindauko ekurima kuno kumaruwa anobatsira chaizvo nekuti munhu akarima zvirimwa zvake anokwanisawo kuzvitengesa achiwana mari yekuriritira mhuri pamwe chete nekuendesa vana kuchikoro,” vakadaro.

Vanoti vakatanga bindu ravo gore rino iro rine muriwo pamwe chete nematomatisi.

“Panzvimbo yatakapihwa kuti tiise bindu redu tiri 18 apo mumwe nemumwe akapihwa pekuisa zvirimwa zvake zvakasiyana. Izvi zviri kutibatsira nekuti madzimai mazhinji ave kuwana mukana wekutengesa zvavanenge varima vachitenga zvipfuyo pamwe chete nemidziyo yemumba chaiyo,” vakadaro.

Zvakadaro, Mai Mhandire vanoti dambudziko ravari kusangana naro ndere kushaya motokari yekutakurisa zvirimwa zvavo nenguva kuti vanotengesa kumisika iri kumadhorobha.

Vanoti dzimwe nguva zvimwe zvirimwa zvavo zvisingaiti kuomesa zvinokasira kuwora izvo zvinovadzosera kumashure.

Mumwe wemadzimai aya Mai Rhodah Sibanda vanoti chirongwa ichi chiri kubatsira zvikuru kusimudzira raramo yavo.

“Kurima kuri kutibatsirawo pakuti pedyo nebindu redu pane Gambiza Value Addition Centre apo panovandudzwa muriwo wedu pamwe chete nezvimwe zvirimwa kuti zvizotengeswa zvava nemari yakawanda uye zvava kukwezva vatengi.

“Pakuvandudza apa ndipo patinoomesa muriwo totengesa wakaomeswa tausanganisa nematomatisi acho pamwe nehanyanisi,” vakadaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×