Bhadharai mvura yamunoshandisa: Zinwa

KAMBANI yeZimbabwe National Water Authority (Zinwa) inoti zvakakosha kuti varimi vanyorese mvura yavanoshandisa yakaita seyemumadhamu, munzizi kana zvibhorani pamwe nekuti vakwanise kuibhadhara.

Mutauriri wekambani iyi, VaTsungirirayi Shoriwa, vanoti kune varimi vakawanda vanongoshandisa mvura yavasingabhadhare izvo zvinokanganisa nyaya yekushandiswa kwemvura munyika.

“Tine mvura yakawanda zvikuru inosanganisira yemunzizi nemumadhamu uyewo nemuzvibhorani. Pane zvinoitwa kuti varimi vakwanise kushandisa mvura iyi zvisina dambudziko zviine magwaro anobva kwatiri seZinwa,” vakadaro VaShoriwa.

Vanoti mvura inofanirwa kushandiswa zviri pamutemo uye kunyoresa kwevarimi uku kunoita kuti Zinwa izive huwandu hwemvura inofanirwa kushandiswa munyika pamwe nekuti inokwanirana here kana kushomeka nezvainenge ichida kushandiswa.

“Tinopa matsamba ekushandisa mvura ingava yemunzizi, mumadhamu kana kuchera zvibhorani chaiko. Varimi vanofanirwa kuuya kumahofisi edu vowaniswa magwaro ekushandisa mvura iyi. Mvura yedu haidhure mutengo wayo sezvo inongoita US$9,50 pamarita miriyoni inova yemudhamu uyewo kutora mvura murwizi murimi anobhadharawo US$2,06 pamarita miriyoni zvakare,” vakadaro.

Vanoti kune minda yekudiridzira yakawanda zvikuru munyika, kungava kumapurazi kana kune varimi vakagariswa patsva nekumaruwa, izvo zvinoda kuti mvura iyi ishandiswe paitwa chibvumirano neZinwa.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×