Madzimai otiza tusvava mushure mekubara muchipatara

Kingstone Mapupu

MAMWE madzimai anoenda kunobatsirwa pachipatara cheChitungwiza Central Hospital apo vanenge vakazvitakura vanonzi vari kupedzisira vatiza vachisiya tusvava twavo mushure mekubara izvo zviri kuona vana ava vachipedzisira vonochengetwa kubazi reSocial Welfare.

Pamusoro pazvo, pachipatara ichi pari kuunzwawo vana vacheche vanonhongwa varaswa mumigwagwa nenzvimbo dzakasiyana avo vanozoendeswa zvakare kuSocial Welfare kana kumisha inochengetwa nherera.

Dr Audrey Tasaranarwo vanova mushandi anodyidzana neruzhinji paChitungwiza Central Hospital vanoti pane madzimai vanouya vaine pamiviri vachimirira kusununguka vozoguma vatiza tusvava utwu.

“Tine dambudziko remadzimai vanouya pachipatara chedu vakazvitakura vonyoresa mazita ekunyepa nekero dzemanyepo. Vakasununguka, vanobva vazotiza vana ava vovasiya voga, panozoteverera chipatara chedu makero anosiiwa nemadzimai aya zvinosvikoonekwa kuti havazivikanwe kwavanenge vachiti vanogara uku,” vanodaro Dr Tasaranarwo.

Vanotiwo kune vana vacheche vanonhongwa kunzvimbo dzakasiyana kuChitungwiza vanozounzwa kuchipatara chavo nyaya idzi dzosvitswa kumapurisa uye voguma vava kuchengetwa kwenguva pfupi vachizodarikidzwa kuSocial Welfare kana kuendeswa kumisha inochengeta nherera.

“Tine mwana akawanikwa akakandwa muchimbuzi akazara tsvina akaunzwa pano akarapwa, nanhasi mupenyu. Mumwe akaunzwa akakandwa pamusiwo wechipatara chedu tikamutora akasvitswa kumapurisa ndokuzoongororwa akazoendeswa kumisha inogara nherera. Tinowana vana vakadai vane huwandu hunodarika makumi mashanu pagore uye mumakorewo maviri vachidarika zana,” vanodaro Dr Tasaranarwo.

Vanoti vana ava pavanotizwa nanamai vavo vanombogara muward yevana vasati vaendeswa kuSocial Welfare.

“Vana ava vanoda mukaka nemapamba, sipo yekuwachisa nekugezesa nembatya izvo tinobatsirwa nevane tsiyo nyoro. Tinoda vakawanda kuti vauye vazotibatsira,” vanodaro Dr Tasaranarwo.

Vanoti kuraswa kwevana idambudziko rakura mudunhu ravo reChitungwiza nekudaro inyaya inoda kugadziriswa.

“Tine vanhu vanonyoresa kubazi reSocial Welfare kuti vanoda vana nekudaro vamwe vavo ndivo vanozoguma vava kupihwa vana ava vachigara navo zvakanaka sevana vavo. Tine mumwe mudzimai akatora vana vana (4) mumwe wacho akatoenda kuCanada. Tine vana vacheche vakawanda zvikuru vakadarika nemumaoko echipatara chino vatizwa nanamai vavo kana kuti vanhongwa kunzvimbo dzakasiyana,” vanodaro Dr Tasaranarwo.

Mai Temptation Wapwanyika (42) vanova Medical Social Worker pachipatara ichi vanoti muongororo yavo vakaona kuti pane zvikonzero zvakasiyana-siyana zvinoita kuti madzimai atize vana kana kuvarasa.

“Kune mamwe madzimai vanosara munyika muno varume vachienda kunoshandira kunze saka takaona kuti ndivo vakawanda vanouya nepamiviri (pasingazivikanwe nevarume vavo) pano uye vakasununguka vobva vatiza vana sezvo vanenge vachitya kuzowanikwa nevarume vave nevana. Pane vamwe varume vanoramwirwawo vana neshamwarikadzi dzavo vanouya navo uye vonyepa kuti vava nhonga. Nyaya dzakadai dzinozobuda mamwe emadzimai aya aenda kumapurisa vave kusungisana nekuda kwezvikonzero zvakasiyana,” vanodaro Mai Wapwanyika.

Vanoti vana vanonhongwa vakauiwa navo pachipatara chavo nyaya idzi dzinoendeswa kumapurisa koitwa zvose zvinodiwa vachishanda nemunhu anenge anhonga mwana wacho.

“Tusvava utwu tunoongororwa nanachiremba utano hwavo tozovaendesa kwavanochengetwa muHarare nekumwewo. Vamwe vanorasa vana madzimai aye vanoita basa rekutengesa miviri,” vanodaro Mai Wapwanyika.

Mai Princess Moyo (42) vanova Deputy Medical Social Officer paChitungwiza Central Hospital vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vatsvage nzira dzekudzivirira pamiviri kana vasati vagadzirira kuita vana pane kuvabara vozoguma vave kuvarasa.

“Makondumu ariko uyewo nzira dzekudzivirira pamiviri dziriko dzakasiyana saka tinokurudzira vanhukadzi kuti vabare vana vagadzirira,” vanodaro Mai Moyo.

Related Posts

Mutongi otsoropodza murume wekurikita mudzimai ne‘mop’

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo, uyo akarova mudzimai wake senyoka yapinda mumba ne“mop” pamwe chete nezvibhakera mushure mekunge vatadza kuwirirana, akapihwa chirango nedare chekunzi abhadhare faindi yeUS$100 uye kukundikana kwake achagara…

Mapurisa otsvaga gororo rakaba mbudzi gumi

Lovemore Kadzura MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuChipinge ari kutsvaga murume akaba mbudzi gumi ndokuuraya dzimwe apo dzakasara dzacho dzakazowanikwa dziri mudanga rake. Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×