Madzishe, mapurisa vorwisa kutorwa kwezvinodhaka

Kingstone Mapupu

MADZIMAMBO nemasadunhu ekumapurovhinzi ari kumativi mana enyika  obatana nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) mukurwisa nyaya yekutorwa kwezvinodhaka iro rinova dambudziko rakadzika midzi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanoti svondo rakapera vakawana mukana wekuita musangano nemadzishe ekudunhu reMhondoro avo vanosanganisira Mambo Nyamweda VaNobert Mandaza naMambo Chivero uyewo nemumiriri wegurukota reHurumende rekuMashonaland West, Cde Marian Chombo.

Comm Nyathi vanoti kunze kwekudunhu reMashonaland West, chirongwa ichi chiri kuitwa munyika yose nedonzvo  rekurwisa kutorwa kwezvinodhaka.

“Svondo rakapera, takawana mukana wekusangana nemadzimambo maviri ekuMhondoro kuNorton avo vanoti Mambo Nyamweda naMambo Chivero uye paine mumiriri wegurukota reHurumende reMashonaland West, Cde Marian Chombo, tichizeya matanho angatorwe panya yekupedza dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka.

Vanoti dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka munyika raparadza upenyu hwevechidiki, vakomana zvose nevasikana.

“Mapurisa achiongorora nyaya dzekutorwa kwezvinodhaka munyika, zvakaonekwa kuti kuparwa kwedzimhosva dzemhando yepamusoro kuri kubva mukushandiswa kwezvinodhaka. Mhosva idzi dzinosanganisira kuponda, kuba, kubata chibharo nedzimwe dzakatsaukana izvo zviri kubva mukushandiswa kwezvinodhaka izvi zvakaita semutoriro, nezvimwe, mukati mazvo,” vanodaro Comm Nyathi.

Zvakadai, Mambo Nyamweda vanoti pasina kushanda nemapurisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka haripere.

“Dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka  nevechidiki mudunhu rangu rakura sezvakangoitawo kune dzimwe nzvimbo. Tiri kushanda nemapurisa nemasabhuku uye nehumwe hutungamiri hwese mukurwisa dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka,” vanodaro.

Mambo Nyamweda vanoenderera mberi vachiti: “Ini mbune ndine mashoko ari kubva mudunhu rangu enzvimbo dzinotengeswa zvinodhaka kubva kwaDzumbunu, Nyamweda, Monera nekumwe kwakasiyana uye ndichisvitsa kumapurisa.”

Vanoti mudunhu ravo muri kupondwa vanhu nekuparwa mhosva dzinosanganisira kubiwa kwemombe izvo zviri kuwedzerwa nekutorwa kuri kuitwa zvinodhaka nevamwe vechidiki.

“Tinoda kuramba tichishanda nemapurisa tichibatsirana mukupedza kushandiswa kwezvinodhaka nekuparwa kwemhosva dzakasiyana. Tinotendawo nemushandirapamwe wekuvakwa kwemaZRP Base kunzvimbo dzinoti Nyagori nekwaDzumbunu ayo achabatsira kuti mapurisa ave padyo neveruzhinji sezvo izvi zvinoita kuti zvive nyore kurwisa kuparwa kwemhosva,” vanodaro Mambo Nyamweda.

“Tinokurudzirawo vechidiki kuva nhengo dzeNeighbourhood Watch Committees kuti vashande nemapurisa mukurwisa kuparwa kwemhosva.”

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×