Mafirimu haana ‘chibhanzi’: Mazenge

Abel Ndooka

SHASHA yekuekita mumafirimu, Talent Mazenge, anoti madzimai vari muindasitiri iyi pamwe neyemadhirama vanodawo kurarama hupenyu hwakanaka hunoenderana nebasa ravo sezvinoitwa nevamwe vavo vekune dzimwe nyika.

Mazenge – uyo anozivikanwa achibuda mumadhirama akasiyana anosanganisira Tiri Parwendo, Gupuro naAtsinzinya Ngaatsikwe – anoti basa ravanoita rinofanirwa kuyemurwa uyewo nekuwaniswa rutsigiro.

“Muno kuita zvemafirimu hakubhadhare, unototarisirwa pasi nekuti hazvisi kushandura hupenyu hwedu. Isu tinoda kuti zvitibatsire hupenyu hwedu hushanduke tigorarama hupenyu hwepamusoro sezvinoita vamwe vari kuSouth Africa, Nigeria kana Ghana chaiko. Uko ukaita firimu rimwechete kana maviri unototanga kufamba nemota chaiyo, asi muno tofamba nemakombi vanhu vachitiseka kuti uyo anobuda padhirama riye asi ari mukombi.

“Zvinofanirwa kushanduka, shuwa vakotsveri ngavadire mari zvitibatsire kuti indasitiri yedu iyi igokura,” anodaro Mazenge.

Anoti kune dzimwe nyika madzimai ari mune zvemadhirama nemafirimu vanosanganisira Ini Edo, Patience ‘Mai Azuka’ Ozokwor naMercy Johnson vekuNigeria kozoti Connie Ferguson, Sophie Ndaba, Thembisa Mdoda nevamwe vekuSouth Africa vanorarama hupenyu hwepamusoro.

“Tikatarira kune dzimwe nyika, madzimai ari mune zvemafirimu hupenyu hwavanorarama ndewepamusoro uye tinozviyemurawo chaizvo sezvo ndizvo zvatinoshuvira kuti zviitike muno. Asi tichiri takasara chaizvo kumashure.

“Zvave kuda mushandirapamwe kuti tinyatsobika gwaro rakasimba iro rinotibatsira kuti basa redu riende mberi,” anodaro Mazenge.

Anoti indasitiri yemadhirama yemuno ine mukana mukuru wekusimukira. “Tine vanyori vepamusoro vemadhirama vakawanda uye vari kunyora asi hatisi kuona kwaari kuenda nekuti hapana mari yekuti agobikwe.

“Mukana uripo mukuru wekuti basa redu risimuke uye tinotogona kugadzira madhirama nemafirimu anotonakidza kudarika dzimwe nyika kana tikawana rubatsiro rwemari,” anodaro Mazenge

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×