Mafu ane zviri kumunetsa

“KUGONA MBAVHA HUIRONGERA” naWinnie Zulu (73-78)

Nyaya yacho (enderero mberi):

Putugadzike inonwiwa, nyaya dzichitsva, Mafu achirondedzera zvaiitika mumusha. Putugadzike yanaka ndipo apo Thebe anonzwikwa ava kurondedzera nedzimwe nyaya dzisina kufanira senyaya yemwana wokwaMafohla akazoripiswa kwaShe.

Ndipo paanorondedzera nyaya yekubatwa kwaSigonya aine mukadzi waZenzo ainzi MaMzizi nyaya yacho ikazoperera kwamambo uko akaripiswa. Thebe anogumisira nekuruma nzeve Mafu kuti achenjere kamukomana kekwaMasocha kaive nechigayo pedyo.

Iye Nkonjeni anoita sepasina chaanzwa zvake pfungwa dzake kwava kutanga kufunga kuti angazvironge sei kuti abate munhu aizevezerwa munzeve dzake kuti aipindira mumba make.

Mudzimai wake MaMpoko anozviona kuti pane chiri kunetsa murume chaasingadi kutaura. Anozofunga zano rokuti mudzimai wake abike hwahwa agozobayira vanhu ngavi kuitira kuti vanhu vafare pazororo. Izvi zvinoitwa musi wezororo vanhu ndokukotonoka kuuya pamusha pake vakazvibaya nekudya nekunwa.

Zuva rava kudoka, Mafu anodana Thebe kuti amudaidzire vanhu vauye kumba kwake agovatenda vagoparadzana zvavo ndokuti vanin’ina vake Joza naMnindwa vaburitse tafura hombe panze. Anokwira patafura kwava kutenda vanhu nekuuya kwavo kwava kuzoti pakati pavo pane munhu ari kupinda mumusha make. Ava kudzika anhonge zvombo zvake aite zvaanoita nemunhu iyeyo.

Tapson mwana waMasocha anoona ava kuverera kutiza ndokubva atandaniswa kwava kubatwa nevamwe vakomana. Aunzwa pane vanhu, mudzimai wake Majiyane anoti anoda kuti nyaya iyi izobvunzwa asisipo nekuti zvinhu zvakadai zvaizomunyadzisa.

Mafu anotaurira Masocha baba vaTapson kuti kugona mbavha huirongera, Tapson ngaaregwe achienda, vozonosangana kwaShe Sigombe.

MaMphoko mudzimai waMafu ndipo paanozoziva zvainetsa murume wake ava kushaya kuti murume wake aizomushora here nekusamuudza kwaakanga aita. Musi wedare kunotanga yaSigonya naMamzizi waZenzo kwozotevera yaTapson Masocha naMaMpoko waSidubi Mafu nyaya ikave pamuromo pevanhu pose pose.

Ongororo:

Zvechokwadiwo kugona mbavha huirongera. Zano raMafu rekuti doro ribikwe, ngavi igourawa kuti vanhu vamwe nekudya pazororo pamusha pake rinobudirira. Ane izvo ainge anzwa muvanhu asi haana kuda kuchenjedza shiri dzake, nekudaro anoronga zano rekuti angabata sei nyasire iri kupindira mumba make. Mafu anozvitaura ega achiti, “Kugona mbavha huirongera” (78) uyo unove musoro wekanyaya aka.

Pane zvatinodzidza maererano netsika nemaitiro evanhu. Thebe munhu anofarira kunwa putugadzike chaizvo izvo zvinonzi, “Tiipoti yakaoneswa nhamo nekuzunguzwa achidira adirazve” (73). Tinonzwazve kuti, “Izvozvi izvi ndizvo zvinomuita kuti akangonzwa chete bhazi richimira pachiteshi chekwaMafu abve angomukira ikoko” (74).

Maererano naSigonya tinonzwa kuti mukuru uyu aifarira nyama chaizvo nekuti zvinonzi, sezvo panyama yaiva shumba chaiyo uye akanga asingapotsi” (76) (pakutema).

Enzaniso tinodziona dzichishandiswa kuti tione maitikiro ezvinhu. Tinobva tanyatsa kuona zvaiitwa naThebe apo ainwa putugadzike pazvinonzi minwe yake yainge yanamwa-namwa nejamhu “seyomwana mudiki” (93). Mafohla apo akanzwa zvainge zvaitwa nemwanakomana wake ainge angoita “sehuku yapiswa muromo” (74).

 

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *