Anowatsura amai mbama

Sandy Musungata
IMWE chembere yakasvimha misodzi mudare ichiti yaoneswa nhamo nekurohwa pamwe nekutukwa zvinyadzi nemwanakomana wayo gotwe.

Loice Chesa akaendesa Allen Chesa (27) kuHarare Civil Court achiti amupfuvisa.

“Changamire, ndatambudzwa nemwanakomana wangu gotwe wandaifungidzira kuti ndiye achandichengeta sezvo ndachembera. Asi anomisidzana neni kunge ndine zera naye.

“Anondirova zvekuti mumwe musi ndakamubvunza kuti sei akanga apaza imba akatora midziyo yaisanganisira amplifier kwave kunotengesa ndokubva andirova nekunditorera foni yangu. Akati ndipei $20 kuti ndikudzoserei kana kuti ndokuurayai, ndokubva ndaburitsa $10 yandaingova nayo kwave kuzondiregedza. Ndava kutyira hupenyu hwangu,” akadaro.

Loice akati mwana wake anomutukirira nezvinyadzi.

“Akatanga kundituka munoshaya pekutarisa nekuti anotukirira zvese zvemukati asi ndini amai vake vakamubereka. Dai aidhakwa ndaiti zvimwe hwahwa hunomudariso.

“Ndikapakura zvokudya anotora ozvirasira kumeso kwangu. Chinonyanya kundishungurudza pakuita kwake kwese kushaya ruzivo rwekuti sei achindidaro zvekuti akandiudza ndakasununguka kumuregerera ndogadzirisa. Ndikada kuti ndigare naye pasi anobva atotanga kunditukirira,” akadaro Loice.

Akati vakoma vaAllen vakakandawo mapfumo pasi nekuda kwemaitiro ake.

“Anogara achitaura mashoko ekuti endai munogara kumusha kune dzimwe chembere nekuti muchazobva pano mava chitunha ndakuurayai,” akadaro Loice.

Allen akaudza dare kuti zvaitaurwa naamai vake zvakasangana chokwadi nenhema.

“Hongu, zvimwe zvavataura ndinoita, handina chikonzero chandingapa kuti sei ndichidaro. Asi kubva ndichikura, amai vaingondiita ‘rough’ saka zvaingondibhowa,” akadaro Allen.

Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Loice.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×