Magaya akavakisa dzimba

Abel Ndooka
HURUMENDE yakarumbidza sangano rePlanet Africa, iro rinotungamirirwa naProphet Walter Magaya veProphetic Healing and Deliverance Ministries (PHD), nebasa guru rariri kuita rekutsigira chirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset. Izvi zvinotevera kuvhurwa kwedzimba dzekugara dzakavakiswa nePlanet Africa kuWaterfall, muHarare, svondo rapera.

Kurudziro iyi yakaitwa negurukota rebazi rezvekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba, Dr Ignatius Chombo, nemusi weMugovera wadarika pakuparurwa kwedzimba 236 dzemaYadah Villas idzo dzichazotengeserwa veruzhinji.
PamaYadah Villas aya pachange paine chipatara, kireshi nenzvimbo yekuchatira.

Mumashoko avakaverengerwa pachiitiko ichi naPrincipal Director wemubazi iri, Retired Colonel Joseph Mhakayakora, Dr Chombo vakati Hurumende inotsigira zvikuru sangano rePlanet Africa nekuwanisa veruzhinji pekugara pamwe nemabasa.
“Basa ramuri kuita pano rakanaka chaizvo, uku ndiko kusimudzira Zim-Asset chaiko.

“Isu seHurumende tinofara chaizvo nebasa iri uye tichakutsigirai zvakasimba. Kana muchida imwe nzvimbo yekuvakira huyai mutore muvake dzimwe dzimba.

“Chatiri kufarira kunyanya inyaya yekuti vanhu vachawanisa pekugara uye vamwe vachawanawo mabasa ekuita pakuvaka dzimba idzi,” vakadaro Dr Chombo.

Planet Africa ine zvimwe zvirongwa zvekuvaka dzimba kunzvimbo dziri muHarare dzakaita seWestgate, Enterprise Road, Greendale pamwe nekuChitungwiza.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Prophet Magaya vanoti vakaumba sangano iri nechinangwa chekukwezva vatsigiri kubva kunze kwenyika nedonzvo rekusimudzira upfumi hweZimbabwe. Kunze kwezvekuvaka, sangano iri rinoita zvemabhizimisi ezvicherwa.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *