O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAWODZAMWOYO: Mujubheki anofira murwizi neshungu

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 18 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Monika anovataurira kuti vanozviziva here ainge oda kuibvisa ivo ndokupindura vachiti aizvidarirei iye ndokuti paakanzwa chete izvi zvinhu, pfungwa yake yaive yokuda kuti afe asi akazofunga zvakawanda. Papera nguva refu Tendai anobvunza Monika kuti anoda kuenda rinhi iye ndokuti musi wakareyo, hapana chaachagarira.

Tendai anoti baba vachiri mudondo Monika ndokuti vachawanikwa zvavo. Anoda kuoona pakaradzikwa Timoti chete ozodzoka kana Mwari achida. Tendai anomuti ngaanyatse kufunga zvakanaka ogara naye kusvikira baba vawanikwa asi Monika afunga zvekuenda. Aona zvadai, Tendai anozobvunza kana aine mari yokukwirisa bhazi iye ndokuti anayo, kudya haanei nako. Tendai anopa Monika pondo iyo akatambira.

Tendai anoedza kumunyengetedza kuti anwe putugadzike asi anoiramba, moyo wake wava pakuenda chete. Tendai anomutevera achimuperekedza. Panguva iyoyi ndipo apo vanhu vaiimba vachiperekedza motokari yainge yakatakura chitunha chaTimoti kumakuva eHarare.

Mujubheki anobva kwavanaMonika asisagoni neshungu achitambudzika nezvaakanga anzwa zvichitaurwa naMonika achifunga zvose zvaainge amuitira. Neshungu anoburitsa zibhokisi raainge azadza nembatya dzechidzimai ndokuridira parafini kwava kuritungidza nemoto.

Anopinda mumba make kwava kukumba zvokupfeka zvake nemari yake, munhu ndiye kupinda mumotokari yake ndokuityaira neshungu achimhanya achibva anowira murwizi Suka umo akafira. Apa aiva manheru eChina chaainge asiya apopotera amai vaMonika avo vakasara vachichema ndokuzonyaradzwa nehope.

Apo vanomuka, vanoshedza Monika asi hapana anodavira. Pavanopinda munhanga make, vanowana atuta tunhu twake twose. Kudoshevedzera ndokuona munhu wakandiisa rinhi.

Vanopfiga musuwo kwava kunanga Chivhu uko vanosvika zuva richangobuda asi havazivi pamba paTendai apo pavanozoratidzwa zuva ratokwira, Tendai wacho asipo. Vanosvikogara pamusuwo vachimumirira kuti adzoke.

ONGORORO
Mashandisirwo anoitwa enzaniso nenyaudzosingwi paPeji 93 kusvikira 94 anotiratidza chinhanho change chasvika kutambudzika nekushatirwa kwaMujubheki. Zvinonzi, “Akapinda mumba make ndokukumba-kumba zvinhu zvake zvose zvokupfeka pamwe chete nemari yaaive nayo, ndiye mumota make pindikiti, gonhi dwa, zhimu zhimu zhimu, vha-am ndiye dhurururu, rukuruva nyondo, hutu kuenda” (94).
Muenzaniso unopihwa nemunyori apo anenge achitaura achitidzidzisa (didactic tone) unobva wawedzera kutambura kukuru kwemurume uyu. Anoti, “kazhinji neshungu anobva ati pasi tendekeshe achibva azonyatsobaiwa zvokushaya chokuita” (94).

Apo zvinoenzaniswa zvichinzi, “Zvakafanana nemunhu anouraya mombe, agobika mipeta mizhinji yedoro, agotsvaira musha wake wose nokushongedza agokoka vanhu kuti vagozouya kumuchato wemwana wake asi mwana obva arambwa nomukadzi musi unosvika zuva resvitsa racho” (93). Tinobva tanyatsa kuona kushungurudzika kukuru kwemukuru uyu. Zvinowedzerwazve apo zvinonzi zvinobva zvaita “sezvinonzi ndiwe woga woga wasara munyika” (93).

Achitarisa zvose zvaainge aitira Monika, murume mukuru anonzwa kushungurudzwa kukuru apo anoona “seaibvunzwa kuti, “Ko vachakazi vacho vari kupi?” (94). Motokari yake inodavirawo shungu dzomuridzi wayo izvo zvinonzi shungu “sedzatenzi wayo” (94). Dzimwe enzaniso pamapeji anoti 89 ne91, idzo dziri kuratidza maitiro ezvinhu. Monika anosvika kwaTendai hwera inenge ichibvira “sezvinonzi yakanga isingazoendiwo” (89).

Enderero mberi svondo rinouya.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×