‘Mai hamuna simba rekundidzinga basa’

Nyasha Bvudzijena

MUKADZI akaroorwa anogara muHarare akwidza kudare redzimhosva nyaya yekuti musikana anomushandira ava kuramba kuburitswa basa achiti handiye akambomupinza basa pekutanga, asi kuti baba vemba.

Mushandi uyu anoti amai vemba havana simba rekumudzinga pabasa nechikonzero chekuti handivo vakambomuunza pamba apa pekutanga. Mugakava rave mudare reHarare Civil Court, Monica Jere anoti mushandi wavo wemumba, Precious Tsawa, ari kuramba kuburitswa basa naiye achimuti haana simba racho sezvo asiriye akambomuunza uye anomubhadhara.

Mukadzi uyu anotizve mushandi wavo uyu anomutuka uye anotumira murume wake mashoko akawanda panhare, izvo zvave kuita kuti imba yavo ide kuparara.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Jere gwaro rerunyararo.

“Imba yangu yaparara nekuda kwemukadzi uyu, akaunzwa pamba pangu nemurume wangu achinzi musevenzi wemumba. Zvino anondituka nekureva manyepo kumurume wangu kuti tinetsane,” anodaro Jere.

Anoti anoda kuti Tsawa abve pamba pake.

“Ndinoda kuti abve pamba pangu asi anoramba nekuti murume wangu anoti hapana kwaanoenda uye handina simba rekumudzinga sezvo ari iye anomubhadhara uye ndiye akamutsvaga,” anodaro Jere.

Tsawa anopikisana nechikumbiro chaJere achiti haasi musevenzi asi kuti ihama yemurume wake.

“Vanonyepa mai ava, ndiri hama kwete musevenzi uye nyaya iripo ndeyekuti vanoda kuuraya mwana nekumupa overdose yemapiritsi kukavhira nguva yavanenge varega kana kukanganwa kumupa. Saka inini handingasiye mwana achifa nekuti ndakatotsvagirwa kuti ndiongorore zvaanoita,” anodaro.

Tsawa anoti akauya kuzogara pamba apa Jere anetsana kare nemurume wake.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×