MAKORE 10 WODHUROPU HAIVHURWE……. Mudzimai haatenderwe kuibata

Veronica Gwaze

MUDZIMAI ari kugara kuHopley, muHarare, anoti agara nemurume wake kwemakore gumi, asi chinomushamisa ndechekuti iye haatenderwe kuvhura wodhuropu yavo iyo inogara yakakiiwa nezikii zihombe.

Anotizve dzimwe nguva anonzwa kuchema kweshiri nemutsindo wevanhu mukati mewodhuropu iyi. Norah Kanyemba (34) ane fungidziro huru yekuti murume wake anogona kunge akaromba nekuda kwemaminimini ari kuitika aya, zvichizadzikiswa nekuti haamutendere kuvhura wodhuropu iri mumba mavo.

Kanyemba anoti kubva achiroorwa, murume wake anorongedza oga mbatya nezvimwe zvinhu muwodhuropu iyi.

“Kuwacha nekuayina mbatya dzake ndini ndinoita asi ndinongodziisa pamubhedha, iye ozodzirongedza muwodhuropu oga.

“Kwemakore gumi atakagara tose semurume nemudzimai, handizive kuti muwodhuropu iyi munei nokuti handitenderwe kuivhura. Anogara akaikiya nekii hombe,” anodaro Kanyemba.

Anoti dzimwe nguva kana huri husiku anonzwa shiri kuchema pamwe nemutsindo yekufamba kwevanhu muwodhuropu imwechete iyi.

“Dzimwe nguva pakati pehusiku ndinonzwa mutsindo nekurira kweshiri dzinoita sedziri muwodhuropu iyi.”

Mudzimai uyu anoti murume wake akambosungwa achipomerwa mhosva huru asi nyaya iyi haina kuenda kure sezvo yakangoshairwa umboo.

Kanyemba anoti panguva iyo murume wake aive kuchitokisi nekuda kwenyaya yaaipomerwa iyi, chinomushamisa ndechekuti aiona mumvuri wemurume uyu uri mumba mavo asi iye asipo.

Anotizve rimwe zuva akazombodaidza mumwe muporofita weJohane Masowe weChishanu anonzi Madzibaba Joweri achida kuti amubatsire padambudziko iri.

Madzibaba Joweri, anodaro Kanyemba, ndiye akazomuudza kuti murume wake akaromba, kunyangwe zvazvo asina kupfuma.

“Madzibaba akanditi mishonga yakabatwa nemurume wangu ndiyo inokonzera matambudziko atinosangana nawo uye nekuti mumvuri wake uonekwe mumba asi iye ari kuchitokisi,” anodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume wemudzimai uyu uyo anonzi anoita basa rekusona shangu muHarare.

Kanyemba ari kurarama nekushanda mudzimba muHarare.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *