Mai Muchabaiwa vomuka chipoko

“Kunyengedzwa hakuna akura” naViginia Muponda

(Ongororo: Enderero mberi)

Tinosangana nemusambo uya wenhambanwa yevatambi apo mumwe kana vamwe vatambi nemuverengi vanenge vachiziva zviri kuitika asi mumwe kana vamwe vatambi vanenge vasingazvizivi.

Papeji 9 tinoona musambo uyu uchiburitsa nyanga dzayo. Amai vaChenai nemunin’ina nekahanzvadzi kake vanofara chaizvo apo vanoona Chenai achiti ari kubva kwaambuya vake vasingazivi kuti kwete haasi kubva ikoko asi kuHarare izvo zvinozivikanwa naiye nemuverengi asi zvisingazivikanwi naamai vake.

Enzaniso dzinoshandiswa pakutsanangudza chimiro chaChenai. Zvinonzi mwanasikana uyu kufamba kwake “kwainge kukavira nzungu” (7) zvichinzizve maziso ake “achinge nyimo iri muchisikiro” (7) iwo mazino acho akachena “kunge mukaka” (7).

Kudimikira kunoshandiswawo kuchitiratidza kuti Chenai naTeresa vainge vakanaka zvakadini. Zvinonzi Stanely apo akaona vasikana ava akatanga kucherechedza waaida nekuti “vese vainge vakaumbwa” asi waakada ndiChenai sezvo zvichinzi “akadzurwa mwoyo neainzi Chenai” (7).

Matsanangurirwo anoitwa rudo pakati paChenai naStanely anoratidza kuti rudo urwu rwaiva rwemandorokwati nekuti “runopfuta”.

Pakurayira kunoita mbuya, Chenai vanomuti atandanise zvechikoro chete osiyana nezvekutandanisana nevakomana nekuti akazvitandanisa zvose panguva imwe chete hapana chakanaka chaaizobura.

Saka vachiti kwaari, “ugoita zvekutamba uchitanda mbiri” (10).

“CHIPOKO CHEMUNHU” naColette Mutangadura

Nyaya yacho:

Iyi inyaya inoti kusetsa, ikati kusuwisa. Mudzimai waMuchabaiwa anoshaya pozoonekwa pava kumuka chipoko icho chaionekwa chichienda kuhozi yaamai ava.

Shoko rinofamba richiti Mai Muchabaiwa vainge vomuka chipoko mumusha maVaMuzanenhamo.

Baba Muchabaiwa vanozonzwawo runyerekupe urwu nasahwira Vambe, munhu ndokufambira mun’anga kuti anzwe change chichitora nzvimbo asi kun’anga iyi hapana chakati tsvikiti chavanonyatsoudzwa.

Kudoti kumuporofita, voudzwa kuti anoona amai vakafa zvavo kuvashakabvu. Ivo ngavatopinduke vanamate kuchechi ine mweya.

Nekupindana kwemazuva moto unomboonekwa uri mutsvuku, pamwe uri muchena.

Mumwe musi VaMuchabaiwa vanoenda kune mwana wavo Muchaona kuti vaone moto uyu, asi ndokuona uchisvikomira pahozi, mangwana acho ndokubva vaenda kwemwanakomana wavo kunomuudza zvavainge vaona.

Muchaona anovapa zano rokuti vadaidze vokumusha kwaamai vake kuti vanzwewo.

Iye anorerutsira baba vake achiti aienda kunodaidza amai vaToko amainini vake avo vanomboramba-ramba asi pavanoudzwa kuti vaizopihwawo chiya chizere nemidziyo yemagirazi neyevhu.

Vanobvuma zano raakanga auya naro. VaMuchabaiwa vanoudza sahwira wavo Zvoutete maonero avakanga vaita moto nomusi wavaida kunomutsa Muchaona.

Nerimwe zuva Zvoutete akahuguta zvake hwahwa anowira mugwenzi parutivi penzira kwava kuzomutswa nekamoto kaiti kakavheneka pasi, kovheneka mudenga, munzira mavakaisa makumbo avo ndokuvhunzutswa nazvo.

Pavanobengenuka, vanoona huchipoko hwemoto uyu hwatisiyane, pave nemuviri nemutumbi.

Mukuru anobva ati chitsoka ndibereke nekamwe kanzira kumba.

Muchazoona naamainini vake vanozotaurira VaMuchabaiwa nyaya yavo. Muchazoona anoti amai vake vainge vamuudza kuti zvinhu zvomumba zvakasara havaida kuti zvipihwe mumwe mukadzi asi mainini vake nemudzimai wake.

 

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×