Mupurisa akawana imba ‘yatsvairwa’

Nyasha Chabvonga
MUPURISA wekuendeswa kudare neaimbove mukadzi wake nenyaya yemendenenzi akati haana mari yekumupa sezvo aine zvikwereti zvakawanda kubhanga uye ari kuda kumbotenga midziyo yemumba iyo yakatorwa yose nemudzimai uyu apo vakarambana. Constance Hute akamhan’arira Gerald Munhumumwe kuHarare Civil Court achida $300 yemendenenzi pamwedzi yekuchengeta vana vavo vaviri.

“Unowana mari iwe ndinozviziva, unotambira $450 saka haundiudzi kuti munhu wemupurisa hauna mari,” akadaro Hute.

Munhumumwe akaudza dare kuti ane zvikwereti zvakawanda zvaanobatirwa kubhanga pamwe nezvemidziyo yaakatenga nekudaro haana mari yekupa Hute.

“Iwe zvekuti ndiri mupurisa hazvina kana basa, mari yose yawareva unoda kuita sei nayo? Handiti ndakakupa $350 yekuti uhodhe uchitengesa? Wakaitisa chii mari iyoyo?

“Pamusoro pazvo, wakaenda nemidziyo yose, kusiya mumba muri ‘ground’. Saka mari handina, ndiri kutenga midziyo yemumba pamwe nekubhadhara maloan,” akadaro Munhumumwe.

Hute akabva amugama achiti haana zvikwereti zvaaibhadhara uye iyi inzira yekunzvenga kubvisa mari yemendenenzi.

“Vedare, murume uyu ari kunyepa. Firiji yaari kureva kuti anobhadhara takaibhadhara kare, muna2013 tichiri tose. Uku kutsvaga kutiza kundipa mari yandareva,” akadaro Hute.

Mutongi Babra Mateko akati nyaya yavaviri ava yaizodzoka zvakare mudare.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×