‘Mai mwana, handina mugodhi wemari’

Sandy Musungata
MURUME wekuzvuvirwa kudare neaimbove mudzimai wake achida kuti $100 yaaibvisa yemendenenzi ikwidzwe, akati mari iyi iri kutomuremera kubhadhara sezvo aine imwe mhuri inodawo kuchengetwa uye kuti haana mugodhi wemari. Ruth Zvekare akaudza dare reHarare Civil Court kuti mari iri kubhadharwa naClaudius Masiya haisi kukwana sezvo vana vose vava kuenda kuchikoro.
“Ndinoda kuti mari yemendenenzi ikwidzwe nekuti vana vave kuenda kuchikoro, vava vaviri uye mukuru wacho ava Form 5 saka mari inobhadharwa yawanda uye vava kudawo zvinhu zvinoda mari yakati wandei nekuti vakura. Kutaura kuno kuchikoro kutori nechikwereti chisina kubhadharwa nekuti mari yaanoisa haisi kukwana,” akadaro Zvekare.

“Ipapa vana havawani mbatya dzakakwana pamwe nekudya nekuti mari inoiswa nababa vavo ishoma, ini ndinotsanziridza kutsvagawo asi ishoma saka ndati vawedzere. Mukuru wacho ndakatomuendesa kumusha kuti anodzidzako nekuti zvikoro zvekuno zviri kudhura ndichingoedza kuti mari ikwane.”

Masiya akati haaikwanisa kuwedzera mari kubva pane yaari kubvisa nekuti upenyu hwakamuomera.
“Changamire, amai ava vanofanira kuziva kuti handisi mugodhi wemari ndochekutanga. Handivo vega vana vandinavo vaari kutaura asi nditoriwo nevamwe vaviri mapatya vanodawo mari yechikoro zvekutoti nditori nechikwereti kuchikoro,” akadaro Masiya.

“Mari yepenjeni yandinowana ishoma kana ndakatarisa zvinhu zvandinenge ndichifanira kuita. Ini ndiri murwere, mudzimai wangu murwere ane Asthma ndotobhadhara mari yekumurapisa mwedzi wega-wega. Ndinobatirwawo mari yechikwereti chandakatora kubhanga uye ndine mushandi anochengeta imba kumusha. Ngaaisewo chikamu chake kana mari iri shoma nekuti anoita zvekuhodha achitengesa,” akadaro Masiya.
Mutongi Tafadzwa Muvhami akati vaviri ava vazodzoke mudare zvakare apo aizogura mutongo.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×