‘Majekiseni eCovid anobaiwa nenguva’

Tandayi Motsi

MUTEVEDZERI wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti majekiseni ari kubaiwa vanhu ekudzivirira Covid-19 echipiri (2nd dose) ane nguva yakatarwa kuti abaiwe mushure mekubaiwa kwerekutanga (1st dose) iyo inofanirwa kutevedzerwa nemazvo.

Vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly svondo rapera vachipindura mubvunzo wemumiriri weBubi, Cde Sonny Mguni, avo vaida kuziva nguva inofanirwa kunge vanhu vachibaiwa majekiseni echipiri mushure mekubaiwa rekutanga.

“Mubvunzo wangu unoenda kune mutevedzeri webazi rezveutano. Patakatanga chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19, jekiseni rechipiri rainzi rinofanirwa kubaiwa mushure memazuva 28 kusvika 30. Ndinoda kuziva kuti mutemo mutsva wave kuti kudii sezvo vanhu vave kubaiwa jekiseni repiri mushure memazuva 14?

“Izvi hazvizogona here kuita kuti pave nekutyira kure uye kukanganisawo hurongwa hwedu hwekupedza chirwere ichi?” vanodaro.

Dr Mangwiro vanoti pane mhando mbiri dzemajekiseni ekudzivirira Covid-19 ari kubaiwa vanhu muZimbabwe anova Sinopharm neSinovac uye akasiyana nguva dzinofanirwa kubaiwa vanhu kechipiri mushure mekubaiwa kekutanga.

“Pane mhando mbiri dzemajekiseni, Sinopharm iyo jekiseni rechipiri rinofanirwa kubaiwa mukati memazuva 28. ReSinovac rinofanirwa kubaiwa mukati memazuva 14.

“Hapana chitsva. Zvinoramba zvakadaro kuti mushonga wemujekiseni mumwe nemumwe une nguva yawo inofanirwa kubaiwa jekiseni repiri,” vanodaro Dr Mangwiro.

Zimbabwe iri kutarisira kutambira mamwe majekiseni 500 000 eSinopharm kubva kuChina munguva pfupi iri kutevera izvo zvichasimudzira zvikuru chirongwa chekubaiwa kwevanhu nhomba dzekudzivirira Covid-19.

Hurumende yakaisa padivi mari inosvika US$10 miriyoni yekutenga mushonga wemajekiseni uyu nechinangwa chekurwisa kupararira kwedenda iri uye majekiseni 1,2 miriyoni eSinovac akatotengwa kare kubva kuChina.

Zimbabwe yakatambira zvakare mamwe majekiseni 400 000 eSinopharm vaccine akapihwa Zimbabwe nehurumende yeChina ne35 000 akabva kuhurumende yeIndia.

Pamusoro pezvo, mauto eZimbabwe Defence Forces (ZDF) nguva pfupi yadarika akapihwa mushonga wemajekiseni 100 000 eSinopharm neChinese People’s Liberation Army (PLA).

Chirongwa chekubaya vanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19, icho chakatanga munaKukadzi gore rino, chine chinangwa chekuti vanhu vanosvika 10 miriyoni vabaiwe majekiseni aya nedonzvo rekuti nyika inge yakachengetedzeka kubva kudenda iri (herd immunity).

Zimbabwe iri kurumbidzwa zvikuru nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) nekuda kwekufambisa kwairi kuita chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere ichi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×