‘Makamba emapurisa ngaave padyo neveruzhinji’

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE ine hurongwa hwekuvaka makamba emapurisa kunzvimbo dzisina makamba aya kumativi mana enyika nechinangwa chekurwisa kuparwa kwemhosva dzakasiyana-siyana uye kuti veruzhinji vawane rubatsiro rwemapurisa padyo navo.

Mashoko aya akataurwa neGurukota rebazi rezvinoitika mukati menyika nekusimudzirwa kwenhaka yetsika, Cde Kazembe Kazembe, mumashoko avo avakaverengerwa
nemutevedzeri wavo Mai Chido Sanyatwe pakuparurwa kwenzvimbo yekuvakira kamba yeKuwadzana Police Station, muHarare nemusi weChina svondo rapera.

Kamba iyi iri kuvakirwa padyo nemugwagwa weHarare-Bulawayo panzvimbo inonyanya kuzivikanwa nekunzi “Pamagetsi”.

“Mapurisa emuno muKuwadzana vanga vasina pekushandira pakati tsvetere saka kuvakwa kwekamba yavo itsva muno kuchaita kuti vapari vemhosva vabatwe nekukasika. Vagari vanga vari kushungurudzwa zvikuru nekuparwa kwemhosva dzechibharo, kubirwa zvakasiyana-siyana, kutorwa kwezvinodhaka, kupondwa, mhirizhonga dzemudzimba nedzimwe saka tiri kutarisira kuti pachava neshanduko huru mukuwaniswa runyararo kuvagari,” vanodaro.

“Kuvakwa kwemakamba emapurisa uku kunofambirana nemuono wemutungamiriri wenyika President Mnangagwa uye chirongwa cheNational Development Strategy 2 (NDS2) pamwe neVision 2030 wekuti hakuna nzvimbo kana dunhu rinofanira kusarira kumashure maringe nenyaya dzebudiriro,” vanodaro.

Cde Kazembe vanoti zvakakosha kuti mapurisa ashandire panzvimbo dzakanaka sezvo izvi zvinobatsira kuti ave nemanyuku-nyuku ekuda basa ravo.

“Kuvakwa kwemuzinda uyu kuchatora mwedzi mitanhatu kuti upere uye pachange paine dzimba dzinogara mapurisa anoshandira munharaunda ino.

Tine shungu dzekuti Zimbabwe ive nyika isingaparwi mhosva kuburikidza nemusandirapamwe wemapurisa nevagari mukufumura mhosva dzinenge dzichiparwa munharaunda. Zvakare, tine tarisiro yekuvhura mamwe makamba emapurisa akawanda munharaunda dzakapoteredza nenyika kuitira kuti vanhu vasatambure nekufamba nzendo ndefu apo vanenge vachida rubatsiro rwemapurisa,” vanodaro Cde Kazembe.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, Commissioner Maxwell Chikunguru vanove Officer Commanding Harare Metropolitan Province, vanoti kuvakwa kwekamba iyi kunoratidza kubatana kune chisungo chimwe chete chekurwisa kuparwa kwemhosva munyika.

“Kuvakwa kweKuwadzana Police Station kuchaita kuti zvive nyore kuvagari pakumhan’ara nyaya dzavo pasina kudhurirwa nezvifambiso. Tinoda kuti veruzhinji vave nechivimbo nemutemo uye kuti ushandiswe nemazvo mukuvachengetedza.

Kusimudzirwa kwezvirongwa zvezvivakwa kunoratidza hutungamiriri hune muono wakanaka wemberi mukuunza mabasa ebudiriro munyika,” vanodaro.

Comm Chikunguru vanoti zvirongwa zverudzi urwu zvinoda rutsigiro rwakasimba rwemari kuti zvifambire mberi zvakanaka.

Zvakadaro, vagari vemuKuwadzana vari kugamuchira nemaoko maviri budiriro iri kuunzwa munharaunda mavo.

“Tinofara zvikuru nekuvakwa kwekamba yemapurisa. Chakanyanyonakira kamba itsva iyi ndechekuti iri padyo nevanhu zvinoreva kuti ichava nzvimbo inosvikika nyore vanhu vachipira zvichemo zvavo kumapurisa,” vanodaro Mai Mavis Chanetsa veKuwadzana 4.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaJames Ringo vemunharaunda iyi vachiti kuvakwa kwekamba iyi kuchabatsira zvakanyanya mukurwisa kuparwa kwemhosva dzinosanganisira dzehumbavha uye kutengeswa kwezvinodhaka.

“Kutengeswa kwezvinodhaka, kubatwa chibharo kwemadzimai nevasinakana vachibva kumabasa manheru, kubirwa nehumhondi ndidzo dzimwe dzemhosva dziri kuparwa muno. Tinotenda Hurumende nekutivakira kamba iyi padyo nesu kuti tive vanhu vakachengetedzeka. Pwere dzinofara pamwe nekukura zvakanaka munharaunda yakachengetedzeka,” vanodaro.

Related Posts

‘N’anga’ yabatwa iine nyoka mbiri

Lovemore Kadzura MURUME wechidiki ane makore 19 okuberekwa akasungwa mushure mekuwanikwa achitenderera munharaunda yeChikanga, kwaMutare aine nyoka mbiri mhenyu idzo anoti anoshandisa mubasa rake rehun’anga achiita mhiko, zvikuru kune vanoita…

Mudzimai (36) odzipwa nevanhu vasingaonekwi

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 36 okuberekwa anogara kuHatcliffe Extension, muHarare, anoti ayaura nekurumwa nezvinhu uye kudzipwa nevanhu vaasingaoni, rinova dambudziko rakatanga mushure mokunge anetsana nemumwe mukadzi pamusoro pemurume wavaidanana…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×