Makondomu 100 miriyoni ari kushandiswa muZim

KAMBANI yeGraniteside Chemicals svondo rapera yakapa makondomu 60 000 kusangano reNational Aids Council (NAC) nedonzvo rekurwisa kupararira kweutachiona hweHIV uhwo hunokonzera chirwere cheAids pamwe nezvirwere zvepabonde panguva iyo muZimbabwe muri kushandiswa makondomu anodarika 100 miriyoni pagore.

Mai Beatrice Tinhodzayi-Ndondo, avo vanova mutevedzeri wasachigaro weNAC, vakatenda rubatsiro urwu vachiti rwauya panguva yarwange rwuchitarisirwa zvikuru.

“Zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuwaniswa rubatsiro rwakadai pasina kukumbira, zvikuru panguva iyo mari isiri kuwanika nyore munyika. Sangano reNAC rinogarowaniswa rubatsiro rwakadai mushure mekunge rapemha asi imi masarudza moga kutibatsira, tinozvitenda,” vakadaro Mai Tonhodzayi-Ngondo.

Vanoti Zimbabwe iri kushungurudzwa nemutoro weHIV, unova uri kudzosera budiriro yenyika shure.

“Kuburikidza nekushandiswa kwemakondomu akanaka, utachiona hweHIV hunowanikwa huchiderera. Dambudziko riri munyika muno nderekuti vanhu vazhinji vave kuziva kuti HIV iriko, asi havadi kushandisa makondomu zvisinei nekuti vanogara vakaatakura mudzimotokari kana muhomwe dzavo.

“Tinoda kuti tishaise HIV mukana, ipere zvachose kuburikidza nekuzvibata uye kushandisa dziviriro yekondomu nemazvo,” vakadaro.

Vakaenderera mberi vachiti Zimbabwe inozivikanwa nekusevenzesa makondomu pasi rose uye inoshandisa makondomu anodarika 100 miriyoni pagore.

“Ongororo yakaitwa nesangano reNational Core Output Indicators for HIV inoratidza kuti kushandiswa kwemakondomu evarume neevanhukadzi kuri kuramba kuchikwira zvinova zviri kuderedza kutapuriranwa kweutachiona hweHIV, zvirwere zvepabonde nepamuviri pasina kurongeka. Tine chinangwa chekuti mugore ra2030, HIV inenge yapedzwa kana tikabatana,” vakadaro.

Vanoti makondomu avakapihwa aya achagoverwa kuruzhinji kumativi mana enyika. Mai Evelyn Chamunokara, avo vanove Sales Manager (Phamaceutical Products and Hospital Consumables) kuGraniteside Chemicals vakati vakaita mushandirapamwe nekambani yekuGerman inodaidzwa kuti Biesdorf mukugadzira makondomu emhando yepamusoro aya. “Makondomu aya anowanikwa nemitengo yakaderera uye akanyorwa kuti ESP. Chinangwa chedu ndechekuona munhu wose achipukunyuka mudambudziko reHIV,” vakadaro.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×