‘Makondomu kuvana vechikoro bodo’

VANA vechikoro vane kodzero yekuwaniswa dzidzo yakazara maererano neshanduko inoitika mumiviri yavo apo vanenge vachiyaruka pamwe neruzivo rwakadzama pamusoro pezvirwere zvepabonde nekudzivirirwa kwazvo. Mashoko aya akataurwa Dr Edmore Munongo, avo vanova director of technical services kuZimbabwe National Family Planning, pamusangano wavakaita nevatori venhau kuNyanga nguva pfupi yadarika.

Vakati vana vechikoro vanosangana nezvakawanda panguva iyo vanenge vachisamhuka nekudaro vanoda rubatsiro rwakadzama kuti vasawire mumatambudziko akaita sekupihwa pamuviri vasati vabva zera pamwe chete nekutapurirwa utachiona hweHIV. Dr Munongo vakati kanzuru yavo haitsigire nyaya yekuti vana vechikoro vapihwe makondomu sezvo zvichiita sekunge kuvapa mvumo yekupinda pabonde vasati vayaruka.

“Hatitsigire pfungwa yekuti vana vechikoro vapihwe makondomu kana kuti vashandise nzira dzekudzivirira kubata pamuviri panguva iyo vanenge vachiri pachikoro. Tinoshingairira kuti vatange vawana dzidzo inosanganisira yezvepabonde pamwe nenzira dzekuzvichengetedza kubva kune matambudziko anounzwa nekuita zvepabonde nguva isati yasvika,” vakadaro Dr Munongo.

Vakati makore ano vamwe vana vechidiki havachambotya kupinda pabonde vasati vabva zera.

“Iko zvino unotonzwa vamwe vechidiki vachiti zvinoshamisa here kuwanikwa uine utachiona hweHIV?

Ndinongonwaka mapiritsi ndosimba nokudaro pfungwa iyi inogona kushanduka kana vakawana dzidzo yakazara maererano nenyaya dzakadai vachinyatsonzwisisa,” vakadaro Dr Munongo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×