Makore 12 mujeri aba US$123k nehukopokopo

Kingstone Mapupu

MURUME wekuita hukopokopo hwekuba mari inodarika US$123 000, iyo yaifanirwa kuendeswa kune imwe kiriniki yakazvimirira muHarare kuburikidza nekubhadharwa kweMedical Aid, akatongerwa kugara mujeri kwemakore 12.

Mutauriri wemapurisa echikamu cheCriminal Investigations Department, Detective Inspector Rachel Muteweri, vanoti Tonderai Shayimana (30) akasungwa uye akawanikwa aine mhosva yekuba mari nehukopokopo.

Munyaya iyi, imwe kiriniki yakazvimirira yemuHarare yakaita chibvumirano nemakambani emaMedical Aid Societies akatsaukana zvaiita kuti vanhu vaibva kumaMedical Aid aya varapwe pakiriniki iyi ichizobhadharwa mari yaidiwa nekufamba kwenguva.

Shayimana anonzi, achishandisa huchenjeri hwake, akavavhura maakaundi ebhanga ake ayo aipinzwa mari nemaMedical Aid Societies aya pane kuti mari yacho iendeswe kukiriniki iyi.

Nekuona kuti mari yaisafamba zvakanaka, vapakiriniki iyi vakazosvitsa nyaya iyi kumapurisa zvikaonekwa kuti chikiribidi ichi chaiitwa nemusungwa uyu.

Shayimana akabva asungwa uye mukufeewa kwenyaya iyi zvakaonekwa kuti akanga atenga sitendi yekuvaka imba kuBudiriro muHarare uye ndokutengawo motokari yerudzi rweNissan NV200.

Det Insp Muteweri vanoti nekuda kwechikiribidi ichi, kiriniki iyi yakarasikirwa nemari inosvika ZW$15 362 415-00, ZiG95 409-74, neUSD$123 739-97.

Murume uyu akazomiswa mudare  reHarare Magistrates’ Court pamberi pemutongi Marehwanazvo Gofa nguva pfupi yadarika ndokubatwa aine mhosva yekuba mari nehukopokopo.

Akapihwa mutongo wekugara mujeri kwemakore gumi nemaviri, ayo anoti mapfumbamwe ndeemhosva yehukopokopo uye matatu ndeekuvhiringidza mafambiro emari zvakanaka.

Motokari nesitendi zvakanga zvatengwa nemari iyi zvakatorwa zvikapihwa kukiriniki iyi.

Det Insp Muteweri vanoti hakuna mhosva inorova kunyange ikaparwa zvakavandika sei.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *