Makore 3 mudzimai achitaura nevanhu vasingaonekwe

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wechidiki anogara mumusha weStoneridge muHarare anoti anonzwa mazwi evanhu vasingaonekwe munzeve dzake vachimutaurira zvekuita mukurarama kwake izvo anotevedzera rinova dambudziko ratora makore matatu ainaro.

Mai Christine Bombo (26) vanoti kubva mugore ra2022, vanonzwa mazwi munzeve dzavo achivataurira  nekuvaudza zvekuita.

Vanoti dambudziko iri rakatanga vachigara nemurume wavo kuMayambara kwaSeke apo vaiona vanhu mumaziso avo vachitaura navo zvakasiyana zveupenyu.

“Vanhu ava vaiuya kwandiri vachitaura neni mashoko akasiyana zvakaita sekuti nhasi usabve pamba, rova vana vako kana kuti pisa mbatya dzako nedzemurume. Imwe nguva vamwe vaiuya vachida kundirwisa ndogumawo ndava kuvadzosera ndozoona ndabengenuka kuti ndinenge ndichirova mwana wangu kana kuti kubatana nedhoo chairo kana chimwe chinhu,” vanodaro Mai Bombo.

Mudzimai uyu anoti zvimwe zvaanenge achiita haazvizive uye anozoita zvekutaurirwa nevamwe vaanogara navo.

“Mukati memazwi aya, ndinogona kunzi swera pamba, ndotoita saizvozvo kana kunzi usasvike kwakati ndotevedzera. Mazwi aya anogona kuuya ari emadzimai kana kuti evarume, imwe nguva ndinonzwa kuchema kwemhuka dzandisingaone,” vanodaro Mai Bombo.

Vanoti kune vamwe vanhu vanofunga kuti vanorwara nepfungwa izvo zvavanoti handizvo.

“Ndakamboendeswa kuchipatara nevabereki vangu kunoongororwa pfungwa ndikaonekwa dzakadzikama,” vanodaro Mai Bombo.

Mudzimai uyu pari zvino ari kugara naamai vake mushure mekubva kumurume wake apisa mbatya dzemurume  achiti aisaziva zvaaiita.

Anoti anotenda murume wake nekuramba achimunzwisisa nekuda kwedambudziko raakatarisana naro.

“Ndinotenda murume wangu, Partson Moffat, nekuramba akamira neni padambudziko iri. Kwatinofamba, ndinonzi ndakaiswa zvikwambo nemweya yevanhu vakafa yandinonzwa ichitaura neni munzeve,” vanodaro Mai Bombo.

VaPartson Moffat, vachitaurwa navo panhare, vanoti dambudziko remudzimai wavo vashaya zano rekuita naro.

“Ndaona nhamo nedambudziko iri nekuti mamwe mazuva vanogara zvakanaka, zvikangotanga unoona vachitaura nekupindurana nevanhu vavasingaone kunyange nesu. Imwe nguva vanotanga kuita hasha nekuda kurwisana neni nekurova vana pasina zvavatadzirwa. Vanogonawo kungotanga kurova ringava dhoo kana zvimwe zvinhu zvakasiyana mumba nekurwisana nevanhu vatisingaone isu vachionekwa naivo chete,” vanodaro VaMoffat.

Mai Tendai Gwanangara (49) vanova amai vaMai Bombo

vanoti vaedza zvose zvavanogona kubatsira mwanasikana wavo asi hapana shanduko.

“Uyu mwana wangu wechipiri pavana vangu vana (4), baba vavo VaPatrick Bombo vakashaika kare dambudziko rake iri ratanga. Anoti anoona vanhu vatisingaone isu uyewo achinzwa mazwi munzeve dzake achitaura zvinhu zvakasiyana. Anogona kutanga kukunga zvibhakera achirwisana nevanhu vatisingaone nekupindurana navo kana kutukana,” vanodaro Mai Gwanangara.

Vanoti pari zvino vakambotora mwana wavo uyu kubva kumurume sezvo ari kupisa mbatya nemimwe midziyo kana zvamubata.

“Takamboita fungidziro yekuti airasika pfungwa tikaenda naye kuchipatara cheSally Mugabe Hospital uko akanoongororwa nemachiremba akanzi pfungwa dzake dzaiva dzakanaka. Mari yapera ndichifamba naye tichibatsirana nemukuwasha, vane vana vaviri vanoda kubatsirwa, mumwe anoenda kuchikoro,” vanodaro Mai Gwanangara.

Vanoti vanorarama nekutengesa muriwo nezvimwewo zvinhu nekudaro hurwere hwemwana wavo hwavadzosera kumashure.

“Handina pekugara, pano patinogara ndakatorwa nemumwe mudzimai watinonamata naye akatipawo pekugara kwechinguva chino. Hama dzemurume wangu hapana ari kuda kundibatsira,” vanodaro Mai Gwanangara.

Vanoti vane vana vanokwana vana (4) vane matambudziko akasiyana mukurarama kwavo.

Dr Abigirl Jemedze vemuguta reHarare vanokurudzira

Mai Bombo kuti vaende kunana chiremba vanove nyanzvi dzemashandiro epfungwa kuti paonekwe pane dambudziko ravo.

Nyanzvi yezvechivanhu, Gogo Shumba vemuguta reHarare, vanoti Mai Bombo vanogona kunge vakatandidzirwa mweya yevafi nezvikwambo.

“Anoda kubatsirwa mudzimai uyu nekuti pekugumisira anogona kuzorasika pfungwa,” vanodaro Gogo Shumba.

Mashoko avo anotsinhirwa naMadzibaba Strive Masango vemuHarare zvakare vachiti mudzimai uyu anogona kunge ari kushandiswa nemweya yezvidhoma.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×