Musharukwa ashaya ave nemakore 106 . . . akaona hondo yeSecond World War

Nomalisa Gumpo

MUMWE wevasharukwa vararama kwemakore akawanda, Gogo Sibikiwe Sibanda, vekuLower Gweru mudunhu reMidlands, vashaya vave nemakore zana nematanhatu.

Gogo Sibanda, avo vaive nhengo yechechi yeSeventh Day Adventist (SDA), vakashaya neChipiri chino vari kumusha kwavo mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Vachitsinhira nezverufu rwavo, muzukuru waGogo Sibanda, Mai Saziso Nkomo, vakatsanangura kuti vaive munhu ane hanya uye mwoyo wakanaka aida Mwari zvakanyanya.

“Tinonzwa kukurirwa, hongu. Asi tinopemberera hupenyu hwegamba rekutenda,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoti ambuya vavo vakavadzidzisa kugovana nevamwe chero zvidiki zvavainazvo.

“Waiziva kuti wadarika mitemo yavo apo unonzwa vachiti, ‘Ndakarera vana uye ndikavayarutsa asi vandipandukira’,” vanodaro.

Vanoti Gogo Sibanda vakavaudza kuti pavanoshaya havatarisire kuti vachachema asi kutenda Mwari nekuda kwechipo chehupenyu chavakapihwa chekurarama makore akawanda.

“Vaiva munhu ane pfungwa dzakanaka uye vaitenda kuti vachaponeswa nekumuka (kuvakafa) kana Ishe vave kuuya zvakare, nekuda kwechikonzero ichi, tinopemberera hupenyu hwavo semhuri,” vanodaro Mai Nkomo.

Muupenyu hwavo, Gogo Sibanda vakaona zvakawanda kusanganisira hondo yechipiri yepasi rose (Second World War), hondo yeChimurenga yakaunza rusununguko muZimbabwe, denda reHIV neAIDS nechirongwa chekugovera ivhu kuruzhinji munyika muno.

Zimbabwe.

Vakaberekwa muna1919 uye vasiya vana vana (4), vazukuru gumi nevatatu, zvizukurumvi makumi mashanu nevatanhatu.

Murume wavo, Nganunu Sibanda, akashaya mugore ra1981 uye vakanga vaita vana vatanhatu, vaviri vakashaya.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *