Makore 75 mujeri abata vana 3 chibharo

Liberty Dube

MURUME wekuChipinge, uyo akabata chibharo pamwe nekushungurudza vana vatatu vane makore 9, 11 ne13 okuberekwa munaChivabvu gore rino, akatongerwa kugara mujeri kwemakore 75.

Izvi zvakaitika nemusi wa3 Chivabvu mubhuku raSingizi mudunhu raMambo Mutema.

John Foroma svondo rino, akamiswa mudare reChipinge Magistrates Court pamberi pemutongi VaBichard Chineka.

Akabatwa nemhosva nhatu dzechibharo, mbiri dzekushungurudza munhu zvine chekuita nebonde neimwe chete yekuba akapakata.

Foroma, akabata banga, akapinda mumba maive murere vana ava ndokubata chibharo musikana ane makore 13 okuberekwa uye akamanikidza vakomana vaviri, ane makore mapfumbamwe neane 11, kudya nhengo yake yakavandika.

Akakiya gonhi nechekunze ndokuenda kwaive nemumwe mudzimai anove muchengeti wevana vatatu ava uyo akamanikidza kuti amupe nharembozha yake kuitira kuti akwanise kuregedza vana ava.

Akasungwa neMuvhuro svondo rino uye munhu waakatengesera nharembozha yaakaba iyi ndiye akabatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

Foroma akasungwa ari pane imwe nzvimbo inorasirwa marara kuChipinge.

Muchuchisi munyaya iyi ndiVaIsaac Tangwena uye Foroma aive asina kumirirwa negweta.

Akatongerwa kugara mujeri kwemakore 75 apo mamwe mashanu akazosendekwa parutivi nechitsidzo chekuita hunhu hwakanaka.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *