Danisa Masuku
MURUME wekurova muvakidzani wake musoro nebhodhoro redoro rakaputsika, zvikakonzera kuti arasikirwe nekugona kutaura zvakanaka zvachose, akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu.
Talent Moyo (31), wekuInyathi mudunhu reMatabeleland North, akamiswa pamberi pemutongi Muzvare Sibonginkosi Mkandla avo vanove regional magistrate kuBulawayo, neMuvhuro uye akabvuma mhosva yekuedza kuuraya.
Muzvare Mkandla vakamuwana aine mhosva ndokumutongera kugara mujeri kwemakore mana, asi gore rimwe chete rakasendekwa parutivi kwemakore mashanu nechibvumirano chekuti haafaniri kupara mhosva yerudzi urwu.
Izvi zvinoreva kuti achapedza makore matatu ari mujeri.
Pakupa mutongo, mutongi akati kurwisana kwacho kwainge kwakarongwa kare.
“Mushure mekunge warambidzwa kuchera mvura mutsime, wakamhanyira kumba kwako ndokutora bhodhoro redoro, rawakashandisa kurwisa munhu wacho nekumurova nemusoro. Akakuvara zvakanyanya,” vanodaro Muzvare Mkandla.
Vanoti munhu akarwiswa wacho akasara aine kukuvara kusingapere.
“Muchirevo chinotsanangura kukanganisika kwakaitika kumunhu akarwiswa, akataura kuti nekuda kwekurwiswa kwacho akarasikirwa nekugona kutaura zvakanaka uye gwaro rekwachiremba rinoratidza kuti kukuvara uku hakuzopore. Wakakanganisa chimiro chemuviri wake uye wakashandisa chombo chine ngozi. Zvisinei, dare richatarisa nyaya yekuti iyi ndiyo nguva yako yekutanga kupara mhosva uye kuti wakabvuma mhosva yacho,” vanodaro Muzvare Mkandla.
Achikumbira dare kuti rimuderedzere mutongo, Moyo akati ndiye ega anotsvaga mari yekurarama kwemhuri yake uye akaratidza kuzvidemba nezvaakaita.
“Ndine vana vaviri vadiki vandinoriritira. Ndakavasiya kumugodhi. Ndine urombo zvikuru nezvandakaita uye ndinokumbira kuti dare rindiregererewo,” anodaro.
Vachiratidza kuipa kwemhosva yacho, muchuchisi Muzvare Tsungai Charmaine Mutapi vanoti mhosva iyi yakakura zvikuru uye vakataura kuti nyaya dzekuedza kuuraya nekuuraya dzakawanda munharaunda yeInyathi.
“Upenyu hwakanga hwava kuda kurasika uye akamurova zvakaipisisa panhengo yemuviri inonzwa zvikuru, zvichikonzera kukuvara kusingapore zvachose.
“Panofanira kutumirwa mashoko akasimba kuburikidza nekupa mutongo wekugara mujeri kuitira kudzivirira vamwe vangangoda kupara mhosva dzakadai, kusanganisira veruzhinji uye zvikuru sei makorokoza,” vanodaro Muzvare Mutapi.
Vachipa humbowo hwenyaya yacho, Muzvare Mutapi vakaudza dare kuti chiitiko ichi chakaitika musi wa26 Chivabvu gore rino.
Dare rakanzwa kuti Moyo akaenda kumba kwemumhan’ari ndokukumbira kuchera mvura mutsime, asi akarambidzwa.
Vanoti kurambidzwa uku kwakagumbura Moyo, akamhanyira kumba kwake ndokudzoka akabata bhodhoro redoro.
“Akamurova zvakaipisisa mumusoro. Akawira pasi ndokubva afenda. Mumhan’ari akamhanyiswa kuchipatara kwaakagara kwemavhiki matatu ari muchikamu chevarwere vanoda kutarisiswa zvakanyanya (intensive care),” vanodaro Muzvare Mutapi.
Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa, izvo zvakazoita kuti Moyo asungwe.



