Makorokoza akafushirwa akafa

Kingstone Mapupu
Makorokoza maviri aishandira kunzvimbo yeMasasa, kuMazowe, anonzi akafa neChitatu chadarika apo vakadhirikirwa vari pasi pemugodhi vachichera goridhe.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central Province, Inspector Milton Mundembe, vanoti vakafa ndi- Amon Tichaona (36) aibva mubhuku raMasvosva, kwaMakumbe, kuBuhera naTawanda Chada (44) wekuEpworth, muHarare.

Vaviri ava vanonzi vakanopinda mumugodhi usisashandiswe waimbocherwa goridhe kuMasasa vaina Tafadzwa Moffat (25), uyo anova mugari wekuMazowe. Vanonzi vakapinda mumugodhi umu ndokudzika pasi chinhambwe chinokwana mamita 20.

“Apo varume ava vaiva mukati kudaro, mugodhi wakadhirika, varume ava ndokutsitsirirwa imomo. Moffat akapunyuka rufu ndokuzonozivisa vamwe vanhu vemunzvimbo iyi apo vakazokwanisa kufukunura mitumbi yevaviri ava vachibva vanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuMazowe,” vanodaro Insp Mundembe.

Mapurisa vakazonotora mitumbi yevarume ava ndokuenda nayo kuimba yerunyararo kuchipatara cheConcession. Insp Mundembe vanoyambira vanhu kuti vasiyane netsika yekuchera goridhe zviri kunze kwemutemo vachiti kuita izvi kupara mhosva uye zvine njodzi.

“Nekuda kwemaitiro akadai, vanhu vanorasikirwa neupenyu vosiya mhuri nehama dzavo dzichitambudzika. Hurumende iri kupa vanoda kuchera zvicherwa mukana wekunotora matsamba voratidzwa pekushandira vachibatsirwa nenyanzvi,” vanodaro.

Vanotizve munguva ino yekunaya kwemvura, ndipo panonyanya kudhirika migodhi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *