Mushonga ipenzura nebhuku

Munyaradzi Gunduza
Kubva muna “Mutakunanzva Wenhetembo”, sarudza nhetembo imwe chete yawakafarira. Zvino chitsanangura zvizere zvinoita kuti uifarire wakanangana nezvainoreva pamwe nemashandisirwo ezvidavado. [25]

Nhetembo yandakafarira inonzi “Dzidza Mwanasikana”, yakanyorwa naNyevero Maruzani.

Chandinofarira mudetembo iri ndechekuti nyanduri anondirayira kuti ndinofanira kudzidza kuti ndiite upenyu hwakanaka sepaanoti, “Kuti upiwe mikana yebudiriro, mushonga ipenzura nebhuku.” Ndinonzwa kufara nyanduri paanondirayira kuti upenyu hunoshandirwa sepaanoti, “Ziva kuti upenyu idikita.”

Mudetembo umu ndinofarira kuti nyanduri anondishuvirawo kuti ndiite fundo yepamusorosoro sezvakaita vamwe sepaanoti, “Sevamwe vana, pindawo mumafomufomu imomo, utevedze gwara ramadhigirii.” Nyanduri uyu ndinomuda nekuti ane chivimbo neni chekuti nekufamba kwenguva ndichabudirirawo zvakanyanyisa muzvidzidzo sepaanoti, “Nerimwe zuva uchaverengwawo pakati pavanamuzvinafundo.”

Ndakafarira dzidziso yekuti pane mamwe mapoka anokwanisa kundibatsira kupinda chikoro sepaanoti, “. . . kuUnited Nations nemasangano akazvimirira ega batsiro izere kuitira dzidzo yako.” Ndinonzwa manyukunyuku nyanduri paanondiudza kuti ndine mukana wakakura wekuendawo kuzvikoro zvefundo yepamusoro nekuti zvave kurerutsira ini mwanasikana sepaanoti, “Kumayunivhesiti zviga zvekutorwa kwevanasikana zvakaderedzwa kuitira dzidzo yako.”

Ndakayemura nyanduri nekushandisa chidavado chechikuwo achindikurudzira kuti ndifunde sepaanoti, “Dzidza mwanasikana, dzidza!” Ndakafarira nyanduri uyu paanoshandisa chidavado chemubvunzonhando achindiyambira kuti ndingwarire vamwe vanhurume vane utsinye sepaanoti, “Chenjerera vaya verudo hwamanyepo, hanzi umbirimi hwei munhukadzi?”

  1. Sarudza nhetembo shanu dzanyanduri mumwe chete wawakafarira muna “Mutakunanzva Wenhetembo”. Zvino chiratidza unyanzvi hwake pakushandisa zvidavado munhetembo imwe neimwe yawasarudza. [25]

Nyanduri wandinoti inyanzvi pakushandisa zvidavado ndiAlouis T. Sagota, nenhetembo idzi; “Machinda Handikuvan”direi”, Sarudzo Yako Ipfimbi”, “Pasi Pamera Honye”, “Kumaruva Kwedu” uye “Mapoto Kupisa”.

Mudetembo “Machinda Handikuvandirei”, nyanduri anoshandisa chidavado chefananidzo sepaanoti, “Kuvanzirana kuvanda sekusazivana.” Nyanduri anotipa chidavado chetsumo sepaanoti, “Kakara kununa nhasi hudya kamwe.” Nyanduri anoshandisazve chidavado chenhapamazwi sepaanoti, “Rwiyo rwumwe rwaingova rwokuti ‘tiri tose’.”

Kubva muna “Sarudzo Yako Ipfimbi”, nyanduri anoshandisa chidavado chenyaudzosingwi sepaanoti, “Kitiri kitiri gu-u!” Nyanduri akashandisa chidavado chemubvunzonhando sepaanoti, “Nhasi wazviona kuti kunyarara hakusiri kutaura?” Ndakafarira nyanduri nekushandisa chidavado chedimikira sepaanoti, “Chirega ruzha tione kunowira tsvimbo nedohwe.”

NB: Uwandu hwenhetembo dzinodiwa nemibvunzo hunosiyana. {Sarudza nhetembo mbiri dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana kubva muna “Mutakunanzva Wenhetembo” ugoratidza mashandisiro avanoita zvidavado.} [25]

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×