Makorokoza matatu afira mumugodhi wadhirika

MAKOROKOZA matatu akafa zvichitevera kudhirika kwakaita mugodhi wavaishandira vari kuPenhalonga, kwaMutare nemusi weMuvhuro wadarika.

 Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi.

 “Zimbabwe Republic Police inotsinhira njodzi yemumugodhi yakaitika neMuvhuro, 24 Nyamavhuvhu, 2026, nenguva dza4.30pm paPlot 55, Premier Central, Mutare. Makorokoza matatu akafa apo mugodhi, uyo ungangosvika mamita 20 pakudzika, wakadhirika apo vaishanda vari mukati mawo,” vanodaro.

  Comm Nyathi vanokurudzira vanhu vanoita basa rechikorokoza nemamwe ezvicherwa kuona kuti vakachengetedzeka nguva dzose. – The Manica Post

Related Posts

Bhazi raputitswa nemadharameti

Lovemore Kadzura HONDO yakaoma yekutsvaga vafambi pakati pevaridzi vemabhazi muChipinge yakatora chimiro chine njodzi neChishanu chadarika apo bhazi rekambani yeBig Game Motors rinonzi rakaputitswa pachishandiswa madharameti, panzvimbo isingatenderwe vemabhazi kumira…

Murume awanikwa akafa pachitoro

Tendai Vambe MUMWE murume akaonekwa akafa, akarara mupaseji yechimwe chivakwa chiri kugadziriswa paJairos Jiri Craft Shop mumugwagwa waFirst Street kwaMutare svondo rino, uye mapurisa haasati aziva kuti ndiani kana kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *