Makoronyera opfumiswa nemafashamu

ISHE Matsiwo, VaChristopher Chirume
ISHE Matsiwo, VaChristopher Chirume

Kingstone Mapupu
MAKORONYERA anonzi ofamba achitenga zvipfuyo nemitengo yakaderera zvikuru kune dzimwe nzvimbo kudunhu reMashonaland Central zvichitevera mashafamu emvura ayo akaparadza misha, zvekudya pamwe nekuyeredza zvimwe zvipfuyo. Makoronyera aya anonzi ari kubva kunzvimbo dzakasiyana, zvikuru kuHarare, apo ari kuita chipitipiti kumhanyira kudunhu iri achinotenga zvipfuyo nemari iri pasi-pasi.
Ishe Matsiwo, VaChristopher Chirume (40) vekuMbire kuGuruve, vakatsinhira nyaya iyi vachiti kuti kune vanhu vari kufamba vatenga mombe, mbudzi nezvimwewo zvipfuyo nemari yakaderera.

“Mvura kuno yakaparadza zvimwe zvipfuyo zvikaenda misha ichiparadza matura aiva nekudya nezvirimwa zvikaenda saka dunhu rose rino ratova nenzara yakasimba izvozvi. Saka mave kuona kuti makoronyera aya ave kumhanyira kuno,” vakadaro.

Vanoti dambudziko iri rakapambira kumatunhu anosanganisira Kanyemba, Muzarabani, Guruve, Centenary neDambakurimwa.
“Vanhu ava vari kunyanya kuenda kumhiri yaUtete kuMuzarabani uko vari kuti vanoda kutenga mombe hombe neUS$100 kana US$150. Mbudzi chaidzo vari kubhadhara US$10 uye huku neUS$2-00. Iyi inyaya inorwadza zvikuru,” vakadaro.

Vakayambira varimi kuti vasatsotswa nemakoronyera aya vachiti zvaiva nani kuti ivo sevatungamiri vatsvage vanhu vanouya kuzovatengera zvipfuyo zvavo nemari yepamusoro pane kubirwa nemaguruvhani aya.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vakatsinhira nyaya yekuti kune vanhu vakawanda vari kumhanyira kunotenga zvipfuyo nemari yakaderera kudunhu iri nekuda kwedambudziko remafashamu iri.

“Semapurisa tiri kukurudzira madzishe, masabhuku, nevamwewo vatungamiri kuti vataurire vanhu vavo kuti vaunganidze zvipfuyo zvavo votsvaga vanhu vanovatengera nemari yepamusoro kwete kungopa uku,” vakadaro.

Vanhu vari kutenga zvipfuyo ava vanonzi vanofamba nemarori vamwe vacho vaine zvekudya zvakasiyana izvo zvavanozoita mutengano wegudo nemombe kana mbudzi.

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×