Merrien oyaura nemusana

SHASHA yemujaho wekumhanya yekuGreat Britain, Lee Merrien, achatadza kupinda mumakwikwi eLondon Marathon sezvo akatarisana nedambudziko rekurwadziwa nemusana.  Zvichitevera marwadzo aya, Merrien (35), ndiye shangwiti yakasimudzira mureza wenyika yeBritain mugore ra2012 izvo zvakaona achikodzera kupinda mumakwikwi eLondon Olympics.

Merrien anoti ava kunzwa zviri nani kunyangwe zvazvo ari kushushikana zvakanyanya nepfungwa pamwe nekutyoka musana zvakaita kuti abude mumakwikwi eCommon Wealth games akaitwa gore rakapera.

“Mujaho wenzendo dzakareba (marathon) uchauya zvawo mbai-mbai asi zviri pachena kuti mwaka uno hakuna mujaho uyu pamwe ndichakwikwidza mwaka unotevera,” akadaro Merrien.

Makwikwi eLondon Marathon achatanga musi wa26 Kubvumbi uye Merrien akaratidza kuti adzoka zvine mutsindo apo akasvika nekuhwinha kuMet League kuLondon kubva pakatanga marwadzo ake emusana mwedzi misere yadarika.

“Ndakatotanga gadziriro dzangu dzekusimbisa muviri uye ndinoziva kuti pekutangira ndava napo kusiyana neapo ndaizvikwidza ndege yemashanga, ndichatotirena zvishoma nezvishoma.

“Asi hakuna makwikwi enzendo refu andichapinda parizvino kana nguva pfupi inotevera nekuti ndinoda kutanga ndagwinya uye ndakatotanga kutirena pamwe nekusimbisa muviri wangu asi zvakasiyana nezvandinoita kana ndichigadzirira mujaho wemarathon, apa kungosimbisa muviri chete.

“Nguva zhinji kugadzirira mijaho yekumhanya isina kureba zvakanyanya hakuna kunyanya kuoma.
“Ndiri kungoda kusimbisa muviri wangu kuti ndidzoke mudariro kusiyana nezvandinoita kana ndichigadzirira mujaho wemarathon, ndinotosunga dzisimbe,” akadaro Merrien.

Related Posts

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×