Makororo aba padzimba 6 husiku humwe

Raymond Jaravaza

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuBulawayo ari kuferefeta nyaya dzemakororo manomwe ayo akamuka chibhebhenenga ndokuba mari nenharembozha padzimba nhanhatu muhusiku humwechete kurukisheni rweManningdale.

Izvi zvakaitika nemusi wa14 Kubvumbi mukati memaawa mana apo makororo aya aiba nekurova vanhu vavaibira.

Mhuri dzakabirwa dzakarasikirwa nemari pamwechete nemidziyo zvinokosha US$2 000 uye vamwe vakasiiwa vakuvara mushure mekurohwa nembavha idzi.

“Nemusi wa14 Kubvumbi, kubva pakati pehusiku kusvika 4am, makororo manomwe ayo aive akapakata zvombo akaba padzimba nhanhatu munzvimbo yeManningdale. Vaishandisa nzira dzimwechete kuvhura magonhi edzimba nechisimba uye vachiudza vanhu kuti vanoda mari nenharembozha.

“Mune dzimwe nguva, vari kupomerwa kupara mhosva idzi vairova vamhan’ari netsvimbo. Nyaya iyi dzakamhan’arwa kumapurisa uye vapari vemhosva idzi havasati vasungwa,” vanodaro mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kuBulawayo, Assistant Inspector Thandekile Ndlovu.

Vanoti makororo aya aive akapakata zvombo zvinosanganisira mazipanga, matemo, sando, tsvimbo, foshoro nemapiki izvo vaishandisa kushungurudza vanhu vavaibira.

Pamusoro pezvo, mbavha idzi dzaive dzakapfeka majaketi matema uye dzakavhara kumeso nema“balaclavas” kuitira kuti dzisazivikanwe.

“Mapurisa anokurudzira vanhu vemunharaunda kuti vasimbaradze kuchengetedzeka kwedzimba dzavo kuburikidza nenzira dzakadai sekuisa masimbi (burglar bars) pamagonhi nemahwindo kuitira mbavha.

“Tinokumbira zvakare kune vane ruzivo rwunogona kuita kuti makororo aya asungwe kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo,” vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *