Ofemeswa moto adyisa US$4k yekambani ne’kandege’

Kingstone Mapupu

MURUME wemuHarare wekutora mari yekambani yaanoshandira inodarika US$4 000 iyo akatambisa njuga (kandege) asi ndokudyiwa yose akaigochera pahutsi apo akazonyepera mapurisa kuti aive abirwa mari iyi nemakororo aive akapata pfuti.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti Tapiwanashe Zembe (23) anogara kuRailways mumugwagwa weSeke muguta reHarare uye anoshandira Shefield Construction Company achiita basa rekutengesa, akapa mashoko ekunyepa kumapurisa achiti abirwa mari asi iye adyiwa kunjuga.

Vanoti nemusi wa9 Chikumi nenguva dza9:30 manheru, Zembe akasvika mudhorobha reMasvingo achibva kwaNgundu ndokunomisa motokari yake yebasa pachitoro chepaMunda Hardware aine vamwe vake vanoti Luckmore Gutu naBrighton Supiya.

“Vatatu ava vanonzi vaiva vawana mari yebasa inokwana US$16 050 kubva kumakasitoma avo avakatengesera zvekuvakisa kuMasvingo. Luckmore Gutu naBrighton Supiya vakazoburuka mumotokari iyi ndokusiya Tapiwanashe Zembe woga,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti mushure mechinguva, Zembe akazoridzira nhare Supiya achimutaurira kuti aiva abirwa imwe mari nemakororo matatu aiva akapakata pfuti nebanga avo aisaziva.

“Vatatu ava vakazoenda vose kumapurisa ekuMasvingo Central ZRP kunomhan’ara nyaya iyi. Asi zvakazoonekwa kuti mari yainzi yabiwa yaiva US$4 450 kubva paUS$16 050. Mapurisa akazotanga kufeya nyaya iyi chokwadi chikazobuda pachena kuti Tapiwanashe Zembe aiva asina kubirwa mari iyi asi kuti aiva anyepa,” vanodaro Insp Dhewa.

Zvakabudawo kuti Zembe aiva anyepa kuti akanga abirwa mari iyi kuitira kuvharidzira mari yekambani yaaiva ashandisa achibheja njuga kana kuti “kandege” kuMWOS yekuChiredzi.

“Tapiwanashe Zembe akabva asungwa nekuda kwenyaya iyi uyo akachengetedzwa nemapurisa achimirira kuti nyaya yake ipinde kumatare edzimhosva. Tinoyambira veruzhinji nguva dzose kuti vasataurire mapurisa mashoko emanyepo senzira yekuvhara mhosva dzavo nekuti chokwadi chinozobuda chete. Kunyepera mapurisa imhosva pasi pemutemo weSection 180 Criminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9:23,” vanodaro.

Insp Dhewa vanoyambirawo vashandi vemakambani nemasangano akasiyana kuti vasiyane nekatsika kekushandisa mari yebasa nemidziyo zvisizvo sezvo iri imhosva.

Nyaya dzevanhu vari kudyiwa mari kunjuga dziri kuwanda mazuvaano uye vamwe vari kusvika pakuzviuraya mushure mekudyiwa mari ne’kandege’ ako kaita mukurumbira.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *