Makororo mana opika jeri kwemakore 31 

Kingstone Mapupu

VARUME vana (4) vanobva kuWhitecliffe kudunhu raMambo Zvimba vakapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 31 pamumwe nemumwe wavo mushure mekubatwa nemhosva yekuba zvinhu zvakasiyana-siyana.

Makororo aya ndiPeter Mabasa Tsaramunda (32), Ernest Mashingaidze (28), Albert Kagwa (26) naWillard Fulumula (28).

Detective Inspector Rachel Muteweri vanova mutauriri wechikamu chemapurisa eCriminal Investigations Department (CID), vanoti nemusi wa9 Nyamavhuvhu mugore ra2025 nenguva dza1 mambakwedza, mutyairi weimwe kambani inozivikanwa zvikuru, aiva pamugwagwa achibva kuBulawayo achienda kuHarare.

“Mutyairi uyu paakasvika kuKadoma, akatakura varume vatatu vaitaridza sevanhu vaitsvaga motokari dzekufambisa. Vafamba chinhambwe chidiki vachienda kuHarare, varume ava vakazopandukira mutyairi uyu nemumwe waanoshanda naye uyewo nemumwe akanga atakurwa ndokutanga kurwisa vanhu ava nechinangwa chekuvabira,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Panguva iyi, Fulumula, uyo aiva akavandira padivi pemugwagwa, akabvawo apindira ndokutanga kubatsira kurwisa vatatu ava. Makororo aya akabva abvutira mutyairi uyu motokari ndokutanga kutyaira ivo.

“Vakatyaira motokari iyi vakaenda navo kusango uko vakanobira vanhu vatatu ava zvinhu zvakasiyana. Vakatora zvinhu zvose zvavaiva nazvo ndokunoisa mumotokari yavo yerudzi rweToyota Harrier ndokutiza vachisiya vanhu ava musango vasina nezano,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Vanoti vatatu ava vakazokwanisa kufamba kuenda pakamba yemapurisa yaiva padyo uko vakanomhan’ara nyaya iyi.

“Mapurisa vakabva vatanga kufeya nyaya iyi ndokusunga Peter Mabasa Tsaramunda uyo akabvawo ataura vamwe vake vatatu vanoti Ernest Mashingaidze, Albert Kagwa naWillard Fulumula. Mapurisa akazokwanisa kuvaronda vakabatwa vose sembeva uye zvinhu zvavaiva vaba nemotokari yaishandiswa pakuba zvakawanikwa,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Mukati mezvinhu zvakawanikwa zvaiva zvabiwa maivawo nenharembozha nemaLaptops.

“Makororo mana aya akazopinda mudare redzimhosva reHarare Magistrates Court nemusi wa30 Kurume pamberi paRegional Magistrate Shortgame namuchuchisi Mai Nancy Chandakaona. Vakabatwa nemhosva mumwe nemumwe wavo akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 31 vachishanda zvakaomarara,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×