Makororo maviri odya refovhoro kwemakore 65

Kingtsone Mapupu

VARUME vaviri vekuHopley, muHarare vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 65 pamumwe nemumwe wavo mushure mekubatwa nemhosva gumi neimwechete dzekuba.

Conrad Moyo (22) naMilford Sidhakwa (24) vakaba zvinhu zvakasiyana-siyana kuBeatrice.

Vaviri ava nemusi wa5 Kurume gore rino nenguva dza10 manheru, vaive nemumwe wavo asati abatwa, Shadreck Shava, apo vakaenda kuBeatrice vakanoba zvinhu munzvimbo dzakasiyana.

Vaiva nezvombo zvinosanganisira bolt cutter, banga reOkapi, demo, electric shocker nebhemba apo vakasvika ndokusunga gadhi wepane imwe nzvimbo ndokumutinha kuenda naye pane rimwe bhawa raiva padyo.

Panguva iyi, vakabaya gadhi uyu nebanga uye nekutya akabva avapa nhare yake.

Vakazobira mushandi wemubhawa umu mari nenhare uyewo nedoro. Makororo aya akaenderera mberi nekuba ndokuenda kune imwe imba uko vakasvikovhura gonhi repo nechisimba vakabira imwe mhuri mari nezvimwe zvinhu zvakakosha.

Vakabva pamusha uyu ndokunobira zvakare mumwe murume mushure mekupinda nechisimba mumba maaiva.

Mbavha idzi dzakaenderera mberi nekuba apo dzakanopinda pane mumwe musha ndokuba US$609 nenhare ina. Vakatora zvakare makiyi emotokari yerudzi rweToyota March iyo vakaedza kutiza nayo asi yakabva yazonyura mumadhaka chinhambwe chemakiromita makumi maviri

kubva pamba apa ndokubva vaisiya.

Vagari vemunzvimbo iyi vakabva vasvitsa nyaya iyi kumapurisa.

Mapurisa akakomberedza nzvimbo iyi yose nenguva pfupi-pfupi achibva asunga Moyo uyo akabvawo adura mumwe wake, Sidhakwa, akazonosungirwa kupurazi reGowerlands kwakare kuBeatrice.

Mhosva dzekuba dzakaparwa nemakororo aya munzvimbo yeBeatrice dzose dzinosvika gumi neimwechete.

Pakasungwa vaviri ava, midziyo yavaishandisa mukuba inosanganisira bolt cutter, bhemba, electric shocker, nedemo zvakawanikwa nemapurisa. Mari inokwana US$780 yakawanikwawo nemapurisa iine makororo aya pamwechete nenhare pfumbamwe.

Nhare idzi dzakabva dzazivikanwa nevaridzi vadzo.

Mutauriri wemapurisa kuchikamu chematikitivha cheCriminal Investigations Department (CID), Detective Inspector Rachel Muteweri, vanoti nyaya iyi yakazopinda mudare vaviri ava vakawanikwa vaine mhosva dzekuba.

Vakamiswa pamberi pemutongi Sharon Nxongo uye muchuchisi ari Butt Malunga mudare reBeatrice Magistrates Court.

Vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 65 pamumwe nemumwe wavo apo mamwe makore 15 akasendekwa parutivi nechitsidzo chekuti havapare mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×