Makumbe akasendeka zvemutambo wetsiva

Abel Ndooka —
SHASHA yakambonetsa mutsiva yechidzimai, Diana Makumbe, akasendeka magirovhosi ake emutambo uyu uye ave kuridza mhanzi mumusambo wembira.

Makumbe – uyo anove mumwe vevatambi vetsiva vanga vaine mukurumbira munyika muno – anoti akasiya tsiva achipinda munyaya dzemimhanzi senzira yekutsvaga pundutso muhupenyu hwake.

Zvisinei, anoti pane mamwe mapuromota ari kumukurudzira kuti arwe mutambo wekupedzisira unove wesendeka magirovhosi ake.

“Ndatora danho rekuchisiya tsiva ndichitsvaga zvimwe zvekuita muhupenyu hwangu.

“Kusiya wangu tsiva inyaya yekuti ndega ndakaona kuti ndofanirwa kutsvaga zvimwe zvinondiraramisa izvo zvakandituma kuvamba chikwata changu chinoridza magitare mumusambo wembira.

“Asi pane vanhu vakawanda vari kundikirudzira kuti ndisamhanye kusiya tsiva vachiti vanoda kuti ndirwe kekupedzisira, zvekuti vakaronga zvikabudirira ndinorwa,” anodaro Makumbe.

Munyaya dzemimhanzi, Makumbe anoti chikwata chake chichange chichizivikanwa seBlack Queen and the Black Survivors.

Parizvino vari kuridza kunharaunda yeDomboshava musi weSvondo rega-rega.

“Chikwata changu chave kutokwenya mbira uye svondo rega-rega tinoridza kuDomboshava inove nzvimbo inogara ichiuya vanhu vakawanda.

“Iye zvino tiri kutsvaga puromota angatibatsire kutsikisa dambarefu redu rekutanga,” anodaro Makumbe.

Zvakadai, mumutambo wetsiva, Makumbe akakwanisa kurwa mumitambo 15 yeprofessional uye akahwina mitatu, ndokuita mangange mitatu ndokukundwa mipfumbamwe. Makumbe akanyanyoita mukurumbira achirwa kuamatuer uko akarwa mitambo 24 ndokuhwina 23.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×