Makumbe hutu kuMalawi

SHASHA yemutambo wetsiva yechidzimai, Diana Makumbe, ari kunanga kuMalawi svondo rino nemusi weSvondo uko achanorwa nemutambi ari kusimukira wekunyika iyi, Duduzile Kamkwambwa.Makumbe, uyo akakundwa mutambo wake wekupedzisira svondo radarika naEllen Simwaka wekuBlantyre kuMalawi zvakare, anoti ari kutarisira kuvandudza tarenda rake mumutambo uyu.

“Kukundwa kwandakaitwa kwakandibata-bata asi zvisinei ndiri kushanda hangu nesimba nekuti ndinoda kudzoka mutsiva zvakasimba.

“Ngura ndiyo yakandikanganisa chete mumutambo wangu wekupedzisira nekuti ndanga ndagarisa ndisina kumbokwikwidza. Mutambo wangu wekupedzisira waive wa2015,” anodaro.

Makumbe anoti iye zvino hupenyu hwake hwave kushanduka sezvo akawana vakotsveri vari kumubatsira mumutambo uyu nezvose zvaanoda.

Anoti ave kudya chikafu chakanaka chinovaka muviri uye achiita gadziriro dzake nenguva nekuda kwevakotsveri vake veLaw 4 All Legal Aid Society.

“Vakotsveri vangu, Misheck Mangwende, weLaw 4 All Legal Aid Society aiwa vanondipasa manyemwe. Kubva vatanga kundibatsira, hupenyu hwangu hwashanduka kana iye zvino chikafu chandinodya chakanaka chinovaka muviri. Saka handina nguva yekumbofunga zvakawanda, changu kuita zvebasa rangu munhandare chete,” anodaro Makumbe.

Anoenderera mberi achiti kana akahwina svondo rino kuMalawi maneja wake – Steve Mawezi – uyo anove chizvarwa chekuMalawi, akamuvimbiswa mimwe mitambo miviri.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *