Makumbe onorwa kuSouth Africa

Abel Ndooka
SHASHA dzetsiva mbiri dzemunyika muno dzinoti Diana Makumbe naTawanda Chigwida vanotarisirwa kuenda South Africa nguva inotevera uko vachanorwa mitambo yehushamwari nevatambi vekunyika iyi. Vatambi ava vange vave nemakore matatu vasati vambopinda munhandare yetsiva.

Makumbe achasangana naBukiwe ‘Anaconda’ Nonina uyo anove muchikamu cheSouth Africa Women Champion kozoti Chigwida acharwa naSydeny Maluleke.

Mitambo iyi ichaitwa musi wa20 Chikumi kuGiyani Municipality kupurovhinzi yeLimpopo.
Puromota wetsiva anove maneja waMakumbe naChigwida, Clyde Musonda, anoti ari kushanda nevatambi ava kuti vasimukire kuburikidza nekuvatsigira mumitambo yavo.

Anoti kupedza kwavakaita makore akawanda vasina kumborwa kwakavadzosera kumashure zvikuru.
Diana akapedzisira kukwikwidza mugore ra2012 apo paakakundwa naCathrine Phiri wekuZambia mumutambo waive usiri wekurwira bhande.
“Diana tose tinoziva kuti tarenda anaro uye anogona zvisingaite asi anga agarisa asina kumbokwikwidza saka parizvino akasarira kumashure mutsiva zvikuru.

“Izvozvi tiri kumhanya-mhanya kumutsvagira mitambo yekuti adzoke mumutambo uyu agosimukira zvakare.
“Akapedzisira kukwikwidza mugore ra2012 saka tinoziva kuti ane ngura chaiyo panotodiwa kuti timbosevenza naye zvakasimba uye tiri kumurongera mimwe mitambo yakawanda,” akadaro Musonda.

Anotiwo zvakare Chigwida anga atora nguva yakareba asati akwikwidza mumutambo uyu.
“Chigwida, kufanana naMakumbe, anga ave nenguva refuwo zvakare asina kumbokwikwidza saka uyu mutambo tinoziva kuti uchagona kumuremera zvikuru asi tine chivimbo chekuti agosimukira,” akadaro Musonda.

Makumbe anotarisirwa zvakare kuzosangana naHu Die wekuMalawi muna Gunyana kuMalawi mumutambo uchange usiri webhande.
Zvakadaro, Makumbe akakwanisa kuhwina mitambo iyi yose anowana mukana wekurwira mabhande akasiyana gore rinotevera.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×