Muchaneta Chimuka
MUKURU wechikoro cheDomboramwari Primary School, kuEpworth, svondo rapera akarikitwa nemumwe mubereki pamberi pevana nenyaya yekuchekwa kwevana vake vaviri muregistar zvichitevera kurovha kwavaiita kuchikoro kwemazuva akawanda. Vana ava vanonzi vange vachirovha kuchikoro nechikoncero chekuti vange vasina kubhadhara mari. VaKennedy Nyakudya vanonzi vakanetsana nemumwe mubereki akangozivikanwa nezita rekuti Bhebhe, uyo anoita basa rekugera misoro pachitoro chiri mugwagwa waChinhoyi, muHarare. Vana vechikoro vakataura neKwayedza vakatsinhira nyaya yemhirizhonga iyi.
“Isu takangoona mumwe mubereki achipopotedzana neheadmaster vari pedyo nehofisi yavo achida kuvarova. Hatizivi kuti yaiva nyaya yeyi,” akadaro mumwe mwana wepachikoro ichi.
VaNyakudya vakaramba kuti vakarohwa nemubereki uyu asi ndokuti vakangopopotedzana naye ndokuzobatwa huruweki pamusoro pevana vake vaviri avo vakange vasina kuuya kuchikoro kwemazuva akawanda izvo zvakaita kuti vachekwe muregistar.
“Ini handina kurohwa asi kuti akandibata kora ave kuda kundirova akazorandutsirwa naSchool Development Committee chairperson, VaMember Run’anga. Mubereki uyu anonzi Bhebhe, aida kundirova zvedi asi hazvina kuzobudirira,” vakadaro.
Vanoti nyaya yakanetsa ndeye vana vaviri vemubereki uyu avo vakachekwa muregistar pavakange vasingauye kuchikoro izvo zvisina kumufadza.
“Mubereki uyu anodhakwa, saka kubva patemu yepiri yegore rapera vana vake havana kumbobvira vakatsika pamusuwo wechikoro izvo zvakaita kuti vabviswe muregistar rechikoro. Varairidzi vakazoshamisika kuona vana vaye vave mukirasi zvekare temu ino zvakaita kuti vabvunze. Takabva tadzorera vana kumba,” vakadaro.
VaNyakudya vanoti vakataurira vana ava kuti vauye nemubereki wavo apo remangwana racho Bhebhe anonzi akauya kuchikoro ndokutaura kuti vana vaigara naambuya vavo sezvo akarambana naamai vevana ava.
“Muzuva rakatevera akazouya nemudzimai wake zvakatishamisa sezvo aiti vakapesana. Akazonotora mari ndikati imwe yasara moronga kuti moibhadhara sei. Iye mubereki wacho takazomupanga mazano nekuti vana vaiuya kuchikoro neyunifomu dzakasviba, iye wacho anotozivikanwa nenyaya dzekudhakwa,” vakadaro.
“Panyaya iyi handina hangu kumumhan’ara kumapurisa asi takagadzirisana tega nemubereki uyu zvikapera.”
Sachigaro weSDC, VaRun’anga, vakatsinhira vachiti:
“Pamutemo mwana kana akarovha kwemazuva 14 anochekwa muregistar kana pasina chikonzero. Saka ndizvo zvakaitwa kuvana ava, hapana aiziva kwavari nekuti vabereki havana kutizivisa. Zvisinei, takazogadzirisana nemubereki wacho, vana vave kudzidza zvakanaka. Vange vave nechikwereti cheUS$210 kureva kuti mumwe nemumwe aive nechikwereti cheUS$105,” vakadaro.
Pane runyevekupe rwunoti pachikoro apa pakadyiwa mari dzechikoro asi VaRun’anga vakaramba mashoko aya.
“Handingati pachikoro pangu pakachena nekuti handisi Mwari. Kuti paonekwe izvi panofanira kuitwa audit asi vanhu vanongotaura zvavanoda,” vakadaro.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura naBhebhe panyaya iyi.




