Makumbo emwana awanikwa muchimbuzi

Kingstone Mapupu ari kwaMUREHWA
MUNYAYA isati yatsinhirwa nemapurisa, pane makumbo emwana awanikwa ari muchimbuzi nemapurisa kwaNyamutumbu, kwaMurehwa ayo anofungirwa kuti anogona kunge ari emwanakomana weko uyo akapondwa masvondo maviri adarika.

Makumbo aya – rekuruboshe rakapiswa nerekurudyi risina dzimwe nyama – aburitswa muchimbuzi chepakireshi chiri mumusha makaponderwa Tapiwa Makore (7) nevanhu vanofungirwa kuti vanoita zvekuchekeresa.

Tafadzwa Shamba nababamukuru vemwana uyu, sazita wake Tapiwa Makore (57) vakatosungwa nemapurusa nekuda kwekupondwa kwemwana anga achiita Grade 1 paNyamutumbu Primary School uyu.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistsnt Commissioner Paul Nyathi hatisati takwanisa kuvabata kuti tinzwe nezvenyaya iyi.

Asi VaBarnabas Kurauone Makore (49) vanotsinhira vachiti, “Hatisati taziva hedu kuti aya makumbo emwana wedu here asi ichokwadi kuti tabatsirana nemapurisa kupaza chimbuzi chekireshi, ndokuzobvisa sirabhu umo tawana makumbo maviri ari muchisaga.

“Rimwe gumbo rekuruboshwe rinoratidza kuti rakatsva uye rekurudyi harina dzimwe nyama. Izvi zvaitwa vasungwa ava varipo.”

Kwangodarika zuva rimwe chete mwana uyu ashaikwa kubindu revabereki vake iro airinda, mutumbi wake wakazonhongwa apo waizvuzvurudzwa nembwa asi usina musoro nemutsipa, maoko nemakumbo ose.

Musoro wemwana uyu nedzimwe nhengo hazvisati zvawanikwa.

Zvakawanda zviri kutevera . . .

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×