‘Makunakuna, mweya yetsvina’

Munyori weKwayedza
VACHIPAWO maonero avo pamusoro penyaya yekuti kuBulawayo kuna amai vakagarwa nhaka nemwanakomana wavo zvekuti vatova nemimba yake, vanoziva nezvechivanhu vanoti zviri kuitwa izvi makunakuna uye hazvitenderwe.

Mukuru wesangano rinomirira varapi reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti aya ndiwo anonzi makunakuna.

“Izvi hazvitenderwe pachivanhu chedu, makunakuna chaiwo aya. Kare vanhu vakadai vaigona kuuraiwa asi mazuva ano hatichadaro nekuti tinotya mutemo.

“Vanofanirwa kurambana nekukasika kana kuti vachasangana nejambwa muupenyu hwavo,” vanodaro VaKandiyero.

Mashoko avo anotsigirwa naMambo Mpakwa vachiti kuita kwakadai hakugamuchirwe pachivanhu.

“Izvi ndezvemweya yakaipa uye hachizi chivanhu chedu. Semumwe wemadzimambo ekuBikita uko mudzimai uyu anoti anobva, tsika yakadai haitenderwe.

‘‘Regai nditi hatina tsika inokahadzisa kudaro kuti mwana anobvumirwa kuroora amai vake,” vanodaro.

Kuchiti Pastor Jacob Katsekera vechechi yeApostolic Faith Mission of Zimbabwe (AFM) vanoti, “Izvi hazvitenderwe uye hazvigamuchirwe zvachose.

‘‘Vaviri ava vanofanira kusangana nehasha dzaMwari. Kurambidzwa kwewanano yavo kunowanikwa munaLeviticus 18:8-18 uye gwaro iri rinotaura pamusoro pemurango wevanoita makunakuna akadai.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *