Makuva 5 aye akazofushirwa

MAKOMBA emakuva mashanu anonzi akangofuma akacherwa pamumwe musha uri kwaMashayamombe, kuMhondoro, asi vanhu ndokutadza kuziva kana kunzwisisa nyakuita izvi, anonzi akazofushirwa nevanamati veimwe chechi vakabva kuBeatrice.

Kwayedza nguva yadarika yakaburitsa nyaya yevagari vemumusha wekwaSabhuku Marenga avo vakafumoona makuva mashanu akacherwa panzvimbo ine marinda eko.

Pamakomba emakuva aya, ayo akanyatsoyerwa sezvinoitwa nevanhu kana vachichera guva, painge pakapwanyirwa hari ndokusiya pakandwa machira matsvuku ayo ainge akasungwa chishwe.

‘‘Mukati memakuva aya makaonekwa tutsoka twunenge twevana vaduku.

Mushure mechiitiko ichi, mumwe mwanasikana wemumusha uyu akazongofa asina kurwara.

VaRichard Marenga (49), avo vanova mwana wasabhuku wemumusha uyu, vanoti makuva aya akazofushirwa zvisinei kuti havana kupihwa tsanangudzo yekuti ndiani akange amboachera pamwe nechinangwa chacho.

“Makomba emakuva aye akazofushirwa paine gungano revanamati veSeventh Day Adventist vakabva kuBeatrice mushure mekunge vakokwa nasabhuku wedu vaitungamirirwa nevakuru vavo.

“Zvisinei, nyaya iyi haina kutifadza nekuti taida vanhu vaisvikotitaurira kuti makomba aya akacherwa nani uyewo toziva zvinangwa zvacho,” vanodaro.

“Semusha, hatina kufara nazvo nekuti takangoerekana toona kwauya chikwata chevanamati vechechi iyi zvisinei kuti isu taiva taita chisungo chekuti titsvage munhu anogona kududzira zvakaitika.

‘‘Zvino ava vakangosvikofushira zvakazopa kuti vamwe vanhu vemumusha vadzvamuke pagungano iri makomba aya akazosara ave kufushirwa nevanhu vechechi.”

Vanoti vachatotsvaga n’anga kana muporofita achavataurira kuti makomba aya aiva acherwa nani zvisinei nekuti akafushirwa.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×