Makuwerere erugby ouya kuBulawayo

ACHANGE ari makuwerere svondo rino musi weChishanu panhandare yeHartsfield kuBulawayo uko kuchange kuchitambirwa mutambo weOld Mutual Rugby Development Program Inter-Community Cup.
Mutambo uyu uchange uri wezvikoro zvisere zvekumaruwa zvekuBulawayo zvinoti St Columbus High, Entumbane,

Msiteli, Nkulumane, Sobukazi, Sikhulile, Northlea neMzilikazi apo uchange uchikwikwidzwa mumapoka eUnder 14, 17 ne19.

Makwishu aya ndeekubatsira kusimudzira mutambo werugby kuzvikoro zvekumaruwa.

Gore rino ndere kutanga mutambo uyu uchitambwa uye mitambo yekutanga yakatangira muHarare apo zvikoro zvakasiyana zvakakomberedza dunhu iri zvakakwikwidza, Tafara High 1 ikasimudza mukombe uyu.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×