Mufundisi otsvaga rubatsiro

SENSEI Tawanda Mufundisi akabata menduru yebhuronzi yaakahwinha kumutambo weIKO kyokushinkaikan Matsushima Group World Karate Torunament kuDurban, kuSouth Africa nguva pfupi yadarika, apa achitaridza gumbo rake rakatyoka : Mufananidzo: Memory Mangombe
SENSEI Tawanda Mufundisi akabata menduru yebhuronzi yaakahwinha kumutambo weIKO kyokushinkaikan Matsushima Group World Karate Torunament kuDurban, kuSouth Africa nguva pfupi yadarika, apa achitaridza gumbo rake rakatyoka : Mufananidzo: Memory Mangombe

SHASHA yemutambo wekarate, Sensei Tawanda Mufundisi, uyo akatyoka gumbo masvondo adarika achirwa kuDurban kuSouth Africa kumutambo weIKO kyokushinkaikan Matsushima Group World Karate Torunament ochema-chema achitsvaga rubatsiro rwekuti akwanise kurapwa.

Mufundisi akatyoka gumbo rake paairwa nemumwe mutambi wekuUkraine musemi-fainari apo akazohwina menduru yebhuronzi.

Zvisinei, anoti kunyangwe hake akazohwina bhuronzi haana kufara nazvo sezvo aida chaizvo kuhwina menduru yegoridhe.

“Ndakarwadziwa zvikuru nekutadza kuhwina goridhe kumutambo uyu nekuti ndicho chinhu chandainge ndakafambira kuSouth Africa.

“Hazvina basa kuti ndakazowana bhuronzi, goridhe ndiro randainge ndafambira kunyanya, zvakazongoitikawo nekuti ndakazokuvara ndichirwa izvo zvakandikanganisa kufambira mberi.

“Ndave kukumbira rubatsiro kubva kumasangano akasiyana kuti ndienderere mberi nekurapwa.

“Ndinoshuvira chaizvo kuenderera mberi mumutambo uyu,” akadaro Mufundisi.Mufundisi, uyo ave nemakore anopfura 24 ari mumutambo uyu, anoti akambosvika panguva yekuda kusendeka parutivi mutambo uyu apo aive muchipatara kuDurban, kuSouth Africa asi akazosimbiswa nachiremba aimurapa kuti asarase tariro.Kubva paakatanga zvekarate, Mufundisi anoti haasati ambokuvara zvekusvika pakutyoka gumbo kana ruwoko.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×